Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reVapoteri


Nhasi pasi rese riri kucherechedza zuva revapoteri, reWorld Refugees Day, mahofisi eUnited Nations High Commission for Refugees (UNHCR) muZimbabwe achitenda Zimbabwe nekuramba yakavhura magonhi ayo kuvapoteri kunyange hazvo pasina mari inokwana kuchengetedza vapoteri ava pamwe nekuona kuti vawana zvose zvavanoda.

Mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwevapoteri muZimbabwe musangano reUNHCR, Amai Mwongeli Makau, vati zuva riri kucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekukurudzira vanhu kuri vapinde mutsoka dzevapoteri kana kuti “Taking A Step With Refugees”.

Vati izuva rakakosha zvikuru sezvo paine kurudziro yekuti vanhu vese vaone zvavangaite mukusimudzira mugariro wevapoteri vari munyika.

Zimbabwe ine vapoteri zviuru makumi maviri nemazana matanhatu nevatanhatu uye Amai Makau vaudza Studio 7 kuti panodiwa mamiriyoni masere emadhora eku America pagore kuti vakwanise kunge vachiritira vapoteri ava.

Asi vati vanofara kuti hurumende yeZimbabwe pamwe nemasangano anopa rubatsiro ari kuedza napose paanogona napo kuona kuti vapoteri vagara zvakanaka muZimbabwe.

VaTichaona Mabonga, avo vanochengetedzawo vapoteri muhofisi yeUNHCR muZimbabwe, vati nhasi izuva guru rekutenda basa rinoitwa nenyika nevanhu vanochengetedza vapoteri.

Vapoteri vazhinji muZimbabwe vanogara kuTongogara Refugee Camp kuChipinge uye VaMabonga vati UNHCR ichishanda nehurumende yeZimbabwe, iri kuedza kuona kuti vapoteri ava vagara zvakanaka uye vawana dzidzo nehutano kwakanaka.

Asi vati kuchine matambudziko akatarisana nevapoteri kuTongogara nekuda kwekushomeka kwemari.

Vati nekuda kwekushomeka kwemari kwave kukosheswa zvinhu zvakaita sehutano zvinoreva kuti vapoteri havazodzidziswe mabasa emaoko ayo anozovabatsira mune remangwana.

Amai Makau vaudza Studio 7 kuti pane vamwe vapoteri vakaenda kuzvikoro zvepamusoro vave kutozvishandira vachiitawo mabasa epamusoro uye vanoti izvi zvakwanisa kuitika nekuda kwerubatsiro kubva kunyika dzakaita seGermany pamwe nemasangano akaita seGoal Zimbabwe.

Vati pavapoteri vese vari muZimbabwe zviuru gumi nezvitatu vanogara kuTongogara kozotiwo vamwe vari munzvimbo dzakasiyana siyana uko vari kushanda kana kuita zvemabhimisisi mushure mekupihwa mvumo nehurumende yeZimbabwe.

Mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, reCrisis In Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi rakakosha zvikuru uye hurumende yeZimbabwe inofanira kupa vapoteri vose mukana wekuita zvavanoda sezvakatarwa pazviga zveUnited Nations.

Vati izvi zvakakosha kuita sezvo Zimbabwe ine zvizvarwa zvakawanda kunze kwenyika zviri muhupoteri.

UNHCR inoti pane vanhu vari pakati pezana nezana nemakumi mashanu vanopinda munyika mwedzi wega wega vachitsvaga hupoteri uye vazhinji vavo vanobva kuDemocratic Republic of Congo, Rwanda neBurundi.

Pavapoteri vese vari munyika zvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana varume koti zvikamu makumi mana nezvinomwe kubva muzana vakadzi uye zvikamu makumi matatu nezvitanhatu zvavo kubva muzana vana vari pakati pegore kusvika pamakore gumi nemanomwe.

Amai Makau vanoti hapana mupoteri ati adzokera kunyika kwake mukati memakore mashoma apfuura uye hapanawo kana chizvarwa cheZimbabwe chimwe chete chati chadzoka kubva kuhupoteri.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zvingani zviri muhupoeri sezvo hurumende yange isati yapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi sangano reInternational Organization for Migration rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mamiriyoni mana zvakabuda munyika nezvikonzero zvakasiyana siyana zvichinogara munyika dzakasiyana siyana zvizhinji zvichitsvaga hupoteri.

Kunyange hazvo zuva iri richipembererwa musi wa20 Chikumi pasi rese, Zimbabwe ichacherechedza zuva iri musi wa4 Chikunguru sezvo riri iro zuva rakatarwa nehurumende yeZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG