Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Kubaya Nhomba Muchikamu cheChichipiri Asi Vatori veNhau Vashoma Vachizvipira


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChitatu vari kutarisirwa kuparura chirongwa chechipiri chekuti vanhu vabayiwe nhomba yecovid-19 kuVictoria Falls.

VaMnangagwa vari kutarisirwawo kubayiwa nhomba musi uyu nevamwe vatungamiri vari mugungano rePOLAD.

Bazi rezvehutano rinoti riri kuda kubaya vanhu nhomba vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti chirwere ichi chisapararire.

Asi kusvika parizvino, bazi rezvehutano rinoti kusvika neSvondo, vanhu zviuru makumi mana nemaviri zvine mazana manomwe nemakumi maviri nepfumbamwe kana kuti 42,729 ndivo vainge vabayiwa nhomba yeCovid-19 muchikamu chekutanga chine nhomba inosvika zana rezviuru kana kuti 100 000 yakapihwa Zimbabwe neChina.

Chikamu ichi chinevashandi vemuzvipatara, vatori venhau, vanoshanda kumabhodha uye vanochengetedza majeri. Asi huwandu hwevabayiwa huchiri pasi zvakanyanya.

Vakatanga kubayiwa munyika vanosanganisira vatori venhau, vakoti, vanachiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara.

Pasi rose ongororo yakaitwa neAmnesty International neUNI Global Union inoratidza kuti vashandi vemuzvipatara vanodarika zviuru gumi nenomwe kana kuti 17 000 vakafa nechirwere cheCovid-19.

Asi vachitaura neStudio 7, mutungamiri weZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti kushaya ruzivo kunopa kuti dzimwe nhengo dzesangano ravo dzizengurire kubayiwa.

Kunyangwe hazvo paine vatori venhau vane chitsama vafa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika, vakawanda vavo vachiri kuzengurira kubayiwa nhomba.

Mutungamiri wesangano rinomirira vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists kana kuti ZUJ VaMichael Chideme vanotiwo kushaya ruzivo ndiko kuri kupa kuti vashoma vazvipire kubayiwa nhomba kunyangwe vari munjodzi huru yekutapurirwa chirwere.

Komisheni yeZimbabwe Media Commission –ZMC- yazivisa padandemutande ravo nhasi kuti vatori venhau vanoda kubayiwa nhomba vanosungirwa kuenda panzvimbo dziri kubayiwa vanhu nhomba vaine kadhi rinovabvumira kushanda kana kuti press card kuti vabayiwe. VaChideme vanoti izvi zvakaitwa mushure memusangano wavo neZMC.

Sachigaro werimwe boka revatori venhau reMedia Institute of Southern Africa kana kuti MISA, VaGolden Maunganidze vanoti vanofara kuti vatori venhau vakaiswa pachikwata chekutanga kubayiwa chevashandi vanosangana neveruzhinji mukushanda kwavo kunyangwe vari kuti vamwe Havana chivimbo nenhomba yeSinopharm yekuChina.

Mumwe mutori wenhau akabayiwa nhomba yekutanga akamirira yechipiri VaConrad Mapesa vanoti vanonetsekana nehuwandu hushoma hwevatori venhau vari kuzvipira kubayiwa nhomba.


VaMapesa vanokurudzira vatori venhau vose kuti vabayiwe nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 sezvo vachisangana nekutaura nevanhu vakawanda mukuita basa ravo.

Kunyangwe hazvo vanhu vashoma vari kubayiwa nhomba pazuva parizvino, mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vanoti hurumende ine chivimbo chekuti vakawanda vachabayiwa nhomba iyi.

MuChinhoyi vatori venhau vana chete pavatori venhau makumi mana vakabayiwa nhomba.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mumashoko avo kunyika svondo rapera vakati vanhu vanofanira kubayiwa nhomba iyi sezvo iri iyo nzira yakanaka yekumisa nyaya yekuti vanhu vagare mudzimba kuti chirwere ichi chisapararire. Vanoti chirwere ichi chatora hupenyu hwevanhu vakawanda munyika.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG