Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vechiki munyika, reNational Association of Youth Organisations, kana kuti NAYO, rapurura chirongwa chinokurudzira veruzhinji kuti varwire kodzero dzavo dzekuti vawaniswe mvura yakachena uye inokwanira munhu wese sezvakatarwa mubumbiro remitemo yenyika.
Vachiparura chirongwa che#Claim Your Water Rights, sachigaro weNAYO, Doctor Prolific Mataruse, vati veruzhinji muZimbabwe havachina chimiro nekuda kwekushaya mvura yakachena.
Vati vanhu vari kupedza nguva vari mumitsetse pazvibhorani mumaguta uye dzimwe nguva vanhu vave kurwisana, madzimai nevasikana vachishungurudzwa panzvimbo idzi.
Vatiwo zvinosuwisa kuti kunyange painowanikwa mvura, kazhinji kacho inenge yakasviba zvekuti inotovhiringidza hutano hweveruzhinji.
Vati pasi pechirongwa ichi, vari kushanda nemakanzuru, masangano anomirira vagari pamwe nenhengo dzeparamende kuona kuti vanhu vawaniswa mvura yakachena.
Vati munzvimbo dzakaita seChitungwiza, kanzuru yeko yakachera zvibhorani senzira yekuti vanhu vawane mvura yakachenamushure mekupindra kwesangano ravo.
Vati donzvo guru rechirongwa chavo ndere kuona kuti vanhu vawaniswa mvura yakachena kuti vashandise zvese zvavanoda uye kuti hurumende ione kuti madhamu, nzizi nezvibhorani hazvisvibiswe sezviri kuitika pari zvino.
Sachigaro wekomiti yekanzuru yeHarare inoona nezvemamiriro ekunze, Amai Kudzai Kadzombe, vakazivisa nguva pfupi yapfuura kuti kanzuru yavo iri kuedza napose painogona napo kuwanisa vagari mvura yakachena uye inokwana.
Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota rinoona nezvemvura, VaPerence Shiri, sezvo vange vari mumusangano weZanu PF Conference.
Asi vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reCommunity Water Alliance, Hardlife Mudzingwa, vaudza Studio 7 kuti vanotambira chirongwa cheNAYO chekuti vanhu vawaniswe mvura yakachena vachiti iyi ndiyo hondo yavagara vachirwa misi yese.
Mune imwewo nyaya, mutungamiriri mutsva wesangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro reZimbabwe National Students Unions, ZINASU, VaTakudzwa Ngadziore, vati vanoshushikana zvikuru kuti pane hurongwa hwekukwidza mari yechikoro zvakanyanya apo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi munyika.
Vati semanzwire avakaita, hurumende iri kuronga kukwidza mari muzvikoro zvempamusoro kusvika pazviuru zvipfumbamwe pakotoro uye vabereki vavo havakwanisi kubhara mari iye sezvo vari kutambira mari shomanana.
VaNgadziore vakurudzirawo vatungamiriri vemapato maviri makuru munyika, Zanu PF, VaEmmerson Mnangagwa pamwe neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuti vaite nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Kunyange hazvo zvikoro zvepamusoro zvisati zvakwidza mari yechikoro pane kuchema chema munyika sezvo zvikoro zvePrimary neSeconday zvakatokwidza zvakanyanya mari dzinobhadharwa.
Zvikoro zvepamusoro zvinotarisirwawo kukwidza mari gore rinouya.
Facebook Forum