Accessibility links

Breaking News

ZACC Inoparura Hurongwa hweKumhan'garwa kweHuwori paDandemutande


Sachigaro veZACC Justice Loice Matanda Moyo.
Sachigaro veZACC Justice Loice Matanda Moyo.

Sangano rinorwisana nehuori munyika reZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, rakaparura chirongwa chinopa mukana veruzhinji kumhan’gara nyaya dzehuori vasingazivikanwi kuti ndivanaani. Asi vamwe vanoti havaoni danho iri richibatsira kupedza huori munyika.

Sachigaro veZAAC, Amai Loice Matanda Moyo vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chakanakira kuti vamhan’gari havagoni kuzombozivikanwa kuti ndivanani vaunza nyaya dzehuori kusangano ravo.

Amai Matanda-Moyo vanoti kunyangwe hazvo vanhu vanga vari kuvanyevera nyaya dzehuori, vanoti dambudziko ranga riri pakuti vamhan’gari ava vaizoshungurudzwa nevavanenge vamhan’garira.

Amai Matanda Moyo vanoti vakasundwa kuparura chirongwa ichi nekuti vanhu vazhinji vaiudza komishini yavo kuti vanotya kuzoshungurudzwa kana vamhan’gara nyaya dzehuori. Vatiwo vanotarisira kuti vanhu vakawanda vachashandisa mukana wavepo uyu.

Mukuru werimwe ramasangano akazvimiririra anorwisa huori munyika reTransparency International Zimbabwe (TIZ), Amai Muchaneta Mandopa varumbidza chirongwa ichi.

Asi vakati hazvinyanyobatsira kana pasina mitemo inochengeta vanenge vamhan’gara nyaya dzehuori. Amai Mundopa vati kune vanhu vane hunyanzvi hwema computer zvekuti vanogona kuzoona kuti ruzivo rwabva kupi.

Amai Mundopa vatiwo danho rakakosha munyika pakupedza huori ndere kuona kuti vese vanomhan’garirwa nyaya dzehuori vanomiswa pamberi pematare, votongwa pasina kutarisa kuti vabva muimba yaani.

Studio 7 yataurawo naVaOwen Dhliwayo, vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development, avo vati matanho atorwa neZACC anogona kusasunda veruzhinji kuti vamhan’gare zvehuori.

VaDhliwayo vati vazhinji vakamhan’gara nyaya dzehuori asi hapana matanho akatorwa. VaDhliwayo vatiwo nyaya haisi pakuti vanhu havasi kumhan’gara zvehuori asi kuti iri kufira pakuti hapana zviri kuitwa kune avo vanenge vamhan’garirwa.

Veruzhinji munyika vari kunyunyuta nenyaya dzehuori vachiti ndizvo zvanyanyowedzera hurombo munyika sezvo vamwe vemuhurumende vari kupomerwa mhosva dzekushandisa mari dzinofanirwa kusimudzira hupenyu hweveruzhinji zvisiri izvo.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG