Bato reZanu PF rinoti zvakabuda musarudzo dzanezuro dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzemaby-election musi 26 Kurume zvichaziviswa chete kana vachinge vawana zvakabuda munzvimbo dzese munyika.
Murongi wemusangano mubato iri, VaMhike Bimha vaudza Studio kuti kunyange hazvo sarudzo dzakapera nezuro munzvimbo zhinji munyika kunzvimbo dzakaita seTsholotsho neBinga kwakaita dambudziko zvekuti vanhu vatovhota nhasi.
Vati vanoda kuzozivisa veruzhinji zvakabuda musarudzo pamwechete, uyewo vati vakuru vakurru vemusangano ndivo vanotanga kuziviswa zvisati zvakapakurirwa kune veruzhinji.
Zvakabuda musarudzo mune dzimwe nzvimbo muHarare zvinoratidza kuti Mai Betty Kaseke ndivo vakakunda kuKuwadzana Constituency.
Amai Loice Magweba vakakunda kuHarare Central, kozotiwo VaGabrial Togarepi ndivo vachakwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo dzakanzura weWard 6 muHarare Central mekare.
KuMufakose, VaTaurayi Marembo ndivo vachamirira Zanu PF pasarudzo dzeNational Assembly kozoti Amai Ellen Mutuma ndivo vachamirira Ward 34 musarudzo dzekanzuru. VaNigel Kaseke ndivo vakakunda kuWard 35.
Amai Mariyatu Kamono avo vakakundwa kuWard 35, vati vanotambira zvakabuda musarudzo idzi uye vachashanda naVaKaseke kuti vakunde musarudzo dzaKurume.
Imwe nhengo yebato iri Amai Jecha vanoti sarudzo dzakafamba zvakanaka uye vamirira kunzwa kubva kuNational Command Centre kumuzinda webato ravo.
Zvigaro zvese zviri kukwikwidzwa muHarare muNational Assembly nekanzuru zvange zvakabatwa nenhengo dzeMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.
Sarudzo dza26 Kurume dzichaitwa kutsvaga vanhu vanotsiva nhengo dzeparamende nemakanzura dzakadzingwa basa kana kufa.
Facebook Forum