Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopinza Zvinhu Munyika Isingabhadhare Mutero?


Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa addressing members of his Zanu PF party in Gweru town, about 350 kilometers south of Harare, May 31, 2018. (S. Mhofu for VOA)
Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa addressing members of his Zanu PF party in Gweru town, about 350 kilometers south of Harare, May 31, 2018. (S. Mhofu for VOA)

Apo Zimbabwe Revenue Authority inoti nyika iri kurasikirwa nemabhiriyoni emadhora nekuda kwevanhu nemakambani asiri kubhadhara mitero, imwe nhengo yeparamende yeMDC-T inoti pane humbowo hunoratidza kuti bato reZanu PF rakapinza motokari nezvimwe zvekushandisa musarudzo zvinokosha mamiriyoni emadhora risina kubhadhara mitero.

Nhengo yeNational Assembly, VaGodfrey Sithole veMDC-T, vati nyika inganzi iri kushaya mari sei kana paine vamwe vari kupinza zvinhu munyika vasiri kubhadhara mitero yeduty vakaita sebato reZanu PF.

VaSithole vabvunza mubvunzo uyu pamusangano waitwa neZIMRA nenhengo dzeparamende uye vati mubvunnzo wavo wabva pakuti vakaudzwa nevamwe vashandi veZIMRA kuti motokari dzekushandiswa pasarudzo dzakatengwa neZanu PF hadzina kubhadhara mutero weduty.

Asi mukuru weZIMRA, Amai Faith Mazani, vati vasingadi zvavo kutaura nezvemapato ezvematongerwo enyika, vanenge vachifungira kuti pane zvinhu zvapinda munyika zvisina kubhadhara mitero vakasununguka kuenda nehumbo kumahofisi avo.

Munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakatevedza zvose zvinodiwa neZIMRA nemutemo parakatenga motokari dzaro.

Mumiriri weBuhera South muNational Assembly, VaJoseph Chinotimba, vatiwo pane vamwe vanhu kusanganisira nhengo dzeparamende dzinoita kuti nyika irasikirwe namari nekusada kutaura mutengo chaiwo wezvinhu zvavanenge vatenga izvo zvinoita kuti vabhadhare mari shoma yemutero kana kutotdza zvachose.

Amai Mazani vati vanobvumirana nemaonero aya uye vati zvakakosha kuti nhengo dzeparamende dzibhadharewo mitero pamwe nekubatsira ZIMRA kuita basa rayo kuti nyika iwane mari yekuitisa mabasa ebudiriro.

Sachigaro webhodhi reZIMRA, Amai Willia Bonyongwe, vati ongororo yavakaita yakaratidza huwori hunotyisa uye ndosaka pakadzingwa vanhu mabasa. Vatiwo vakavandudza mashandiro avo, uye vari kutenga michina mitsva nekutora nzira dzinopedza huwori.

Musangano wanhasi wange une chinangwa chekuvandudza hukama pakati peZIMRA nenhengo dzeparamende nekuti nhengo idzi dziwedzere ruzivo rwadzo panyaya dzemitero kuti dzigodzidzisa veruzhinji nezvekukosha kwekubhadhara mitero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG