Accessibility links

Breaking News

Sangano Rinomirira Varimisi Rinoti Hazvigoni Kuti Nhengo Dzaro Dzinyimwe Mavhocha


Sangano rinomirira varimisi, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA) rinoti haritambiri zvataurwa nemunyori mubazi rinoona nezvemari, zvokuti gore rino hurumende haisi kupa vashandi mavhocha ne ma’hamper’’.

Pakutanga kwesvondo, munyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, vakanyorera vanyori mumapazi mazhinji ehurumende vachivazivisa kuti gore rino hurumende haisi kuzobatsira vashandi nemari iyi sezvo hurumende iri kunetseka mukuwana mari yacho.

Munyori mukuru musangano reZAPTA, VaZivaiShe Zhou, vanoti hurumende haifanirwi kuita izvi sezvo vashandi vazhinji mubazi ravo vakashanda kwenguva refu vasingapiwi mari dzavaifanirwa kupiwa kuti vashandise mukuita basa.

Vanoti hurumende ine chikwereti kuvashandi vazhinji naizvozvo haifanirwi kunyima vashandi ava mavhocha nema’hamper’ aya.

VaZhou vati sangano ravo ranyora tsamba kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vachivaudza pamire vashandi pamusoro penyaya iyi, uye vachikumbira kuita musangano navo.

Tabata vanoona nezvevashandi mubazi rezvekurima, VaGibson Chijarira, kuti tinzwe divi rebazi ravo asi vangotitumira gwaro rakabva kumunyori mubazi rezvemari pasina mamwe mashoko.

VaZhou vaudza Studio 7 kuti kana mhinduro inobva kuna VaNcube ikanonoka kuuya, ivo nevamwe vatungamiri vesangano ravo vachaenda kuHarare kunoona VaNcube kuti varondedzere zvakanaka kuti sei vashandi vasingakwanisi kutambira nyaya yekusapiwa mavhocha nema’hamper’ awa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG