Bazi reUnited Nations World Tourism Organization raburitsa gwaro riri kuratidza kuti Zimbabwe iri kuita zvinotarisirwa chaizvo munyaya dzekukwezva vashanyi.
Gwaro iri rinzonzi 2015 Visa Openess Report, uye rinotarisa zvaitwa mumakore manomwe apfuura.
Panyika zana nemakumi mashanu neina, Zimbabwe iri pachinhanho chechimakumi maviri nepfumbamwe. Izvi zvinonzi zvinobatsira mukuumbiridza hupfumi uho hwaenda kumawere.
Chitsuva cheNiue mugugwa rePacific ndicho chinonzi chiri pamusoro.
Mozambique neDjibout dziriwo pazvidanho zvepamusoro soro.
Asi vamwe vari kuyambira kuti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika kuchapa kuti kukwezva vekunze kunetse.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaWashington Mehlomakhulu, avo vanoshanda nesangano reResource Exploitation Watch, vanoti zvakakosha kuti hurumende igadzirise zvivakwa zvakaita senhandare dzinomhara ndege uye kuzvishambadza zvakasimba.