Vakafanobata chigaro chemutauriri wechikwata chePeoples First, VaRugare Gumbo, vanoti hupenyu hwevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, huri munjodzi nekudaro vanofanira kudzivirirwa sezimai renyuchi.
VaGumbo vanoti Amai Mujuru vachaburitswa pachena chete kana nguva yakwana yekuti vange vachiparura bato ravo.
Vamwe vanhu munyika vari kushora Amai Mujuru vachiti havasi kuratidza hutungamiri nenyaya yekusabuda pachena vachitaura pavamire.
Asi VaGumbo, gamba rehondo, uye vari ivo munhu asara pane vaive mudare reChimurenga, vanoti semunhu akarwa hondo vane ruzivo rwakakwana rwekuziva pekubuditsa vatungamiri.
Amai Mujuru, VaGumbo nevamwe vakawanda muZanu-PF kusanganisira makurukota ehurumende vakadzingwa mubato reZanu-PF vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.
Asi vose vari kuramba mhosva iyi uye hapana ati asungwa nenyaya iyi. Vari kutsigira Amai Mujuru vanoti vanoda kuti vapinde musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2018.
VaGumbo vanoti vatotanga basa rekutsvaga rutsigiro rwekuti Amai Mujuru vakwikwidze.
Vanotiwo pane hurongwa hwekushanda nevamwe vari mumapato anopikisa pari zvino.