Accessibility links

Breaking News

United Nations Yoshanda neZEC paNyaya yeSarudzo


VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai.
VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai.

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vanoti sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rinonzi rave kushanda zvekare nesangano reUnited Nations Development Program, UNDP, mukugadzirisa zvinhu zvine chekuita nesarudzo dzemuna 2018.

Pamusangano wakashevedzerwa svondo rapera neZEC wekuti mapato ari munyika agare pasi achizeya hwaro hwunofanirwa kuitwa mukugadzirisa zvinhu kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzisina mutauro, sangano re UNDP muZimbabwe rakakokwawo neZEC kuti ripindewo mumusangano uyu.

Asi bato re Zanu-PF harina kupinda mumusangano uyu.

Hatina kukwanisa kubata mumiriri weUnited Nations muZimbabwe, VaBishow Parajuli, kana sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.

Vaviri ava havana kudaira runhare patavafonera. Kunyange hazvo tisina kuwana divi reUnited Nations, sangano iri riri kutsvaga munhu anoita basa rezvesarudzo muZimbabwe pari zvino.

Asi hukama hweUnited Nations neZimbabwe hwuri zinyekenyeke.

Muna 2000 United Nations yakaramba kuongorora sarudzo dzemunyika ichiti Zimbabwe yaisada kuti inyatsoita basa rainoita kune dzimwe nyika rekuongorora sarudzo pasina zvirehwa rehwa.

Muna 2013 Zimbabwe yakakumbira United Nations mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri nemashanu yekuita sarudzo nereferendamu asi nekunetsana mari iyi haiina kuuya.

United Nations yakati yaida kutumira chikwata chainoona mashandisirwo emari iyi asi Zimbabwe yakati sangano iri rainge roda kupindira zvakanyanya munyaya dzeZimbabwe.

Asi nyaya dzekuvandudza mitemo yesarudzo dziri kuramba dzichinetsa zvapa kuti mapato anopikisa aumbe mubatanidzwa weNational Electoral Reform Agenda kana kuti Nera.

VaTsvangirai vanoti kana pasina kuwirirana panyaya yesarudzo, zvinonetsa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG