Varairidzi vazokwanisa kuwana mari dzavo dzemihoro kumabhanga avo, asi vari kuchema zvikuru nekubatirwa mari dzemudyandigere, idzo vanoti dzakangobatwa vasina kuwirirana nehurumende.
Varairidzi ava vanonzi vakabatirwa mari dzemudyandigere dziri pakati pemadhora makumi matatu nemadhora makumi mashanu pamunhu, zvichienda nekuti munhu anotambira marii pamwedzi.
Mukuru werimwe remasangano anomirira varairidzi reTeachers Union of Zimbabwe, TUZ, VaManuel Nyawo vanoti nekuda kwedanho rehurumende iri, vashandi vehurumende kuburikidza nesangano rinovamirira reApex Council vatoronga kuita musangano wechimbichimbi nehurumende svondo rinouya kuti vaezeye nezvenyaya iyi.
VaNyawo vanoti nemaziviro avo ekuti hurumende yaVaRobert Mugabe ine zvido zvevanhu pamwoyo, vanoona zvichemo zvavo zvekuti mari idzi dzidzoserwe zvichitambirwa.
Rimwezve sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti rinosvoropodza zvikuru danho iri, uye riri kurudzira varairidzi kuti vatore matanho ekuzvirwira, richiti vari kuregererwa nesangano reApex Council.
Hurumende yakanga yamira kubatira vashandi vayo mari dzemudyandigere idzi panguva yakanetsa zvinhu mugore ra2008, mushure mekunge yaderedza mari dzavo dzemihoro.
Hurumende inonzi iri kutatarika kubhadharawo mari dzevanhu vari pamudyandigere, izvo zvinozoita kuti pave nefundidziro yekuti mari dziri kubatirwa vashandi vehurumende idzi ndedzkuda kubhadhara vari pamudyandigere ava.
Vamwe varairidzi vanonzi vave kutotanga kukurudzira masangano avo kuti varamwe mabasa panovhurwa zvikoro gore rinouya.
Vanachiremba navanamukoti vemuzvipatara zvehurumende vakatozivisawo kare kuti vacharamwa mabasa kubva panotanga gore rinouya vachiti vanenge vasina mari dzekufambisa.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.