Hurumende inoti yaisa zvisungo zvekuyedza kujekesa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema.
Asi vamwe vanoti hakuna zvakawanda zvachinja pamutemo uyu.
Pasi pemutemo wenyika, kambani yose yemuchena ine mari inosvika zviuru mazana mashanu zvemadhora inofanira kupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema kana kuti National Economic Empowerment Board.
NeMuvhuro makurukota ehurumende anoti rezvemari, VaPatrick Chinamasa, negurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, vakaparurwa zvisungo zvitsva izvi.
Vaviri ava vakange vave makara asionane mavhiki apfuura nekusawirirana nezvemutemo uyu.
Vaviri ava vari pamwe chete nagavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya vakati nemusi wa 31 Kurume, makambani ose anofanira kunge apa hurumende hurongwa hwavo hwekuendesa hupfumi kuvatema.
Vakatiwo mamwe makambani anenge akundikana anofanira kubhdhara mutero kuhurumende kana kuti empowerment levy.
Hurumende yaimboramba kuti vanhu vabhadhare mitero yakadai. Zvisungo zvitsva zvinotiwo mamwe mabhizimisi haafanire kuitwa nevekunze kusanganisa ezvekurima, zvitoro, mabhekari, kugadzira fodya uye kutengesa mafuta ekufambisa zvinhu.
VaZhuwao vati makambani ose anofanira kutevedzera mutemo kuti vasanetsana nehurumende mukupera kwaKurume.
Vanotungamira bato rinopikisa rePeople’e Democratic Party uye vaimbova gurukora rezvehupfumi VaTendai Biti vati hurumende iri kubata vanhu kumeso nekuti kana isina kuchinja mutemo wacho chaiwo kuisa zvisungo zvitsva kupedza nguva.
VaBiti vanoti kuda kubhadharisa vemakambani mari dzemitero hakushande nekuti ari kutatarika. Vati izvi zvichaspa kuti makambani akawanda atovhare.