Accessibility links

Breaking News

Hofisi yaVaMnangagwa Inopwanywa Zvakare


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Hofisi yevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, inonzi yakapwanywa neChipiri manheru.

Aka kave kechina izvi zvichiitika asi pasina kana munhu mumwe chete asungwa.

Mahofisi aya ari mu 6th Floor paNew Government Complex muna Central Avenue.

Izvi zviri kuitikawo panguva imwe cheteyo gurukota rinoona nezvemitambo, VaMakhosini Hlongwani, vakati vainge vasiirwa bara repfuti muhotera mavo kuCrowne Plaza muHarare neMuvhuro.

Munyori mubazi rezvemitemo, Amai Virginia Mabhiza, vati zvaonekwa kuma 7 mangwanani eChitatu kuti hofisi yaVaMnangagwa yainge yapwanywa munhu achibva nemudenga sezvo ceiling yange iine maburi.

Hofisi yaVaMnangagwa yekubato ravo reZanu-PF yakambopindwa nechisimba gore rapera mukasiiwa muchetura.

Matikitivha anoti aenda pamahofisi aya kunoferefeta kupwanywa kwehofisi yaVaMnangagwa.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vaudza Studio 7 kuti titaure negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mushowe.

Asi VaMushowe, kana ivo VaMnangagwa, vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti zviri kuitika munongedzo wekuti zvinhu hazvina kugadzikana muZanu-PF.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG