Veruzhinji vari kuchema chema zvikuru nekukwidzwa kwaitwa mitengo yemafuta edzimotokari vachiti izvi zvichaita kuti mitengo yezvinhu zvose iwedzerwe.
Sangano rinoona nezvemakambani anoita zvemafuta nemhando dzemoto reZimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA) rabudisa mitengo mitsva yemafuta ezdimotokari.
Peturu yakwira nezvikamu makumi mana nezvitanhatu kubva muzana, ichibva pamadhora matatu nemasendi kumi mana nerimwe parita kusvika pamadhora mana nemasendi makumi mapfumbamwe nemanomwe, iri mari yemaRTGS.
Vakafanobata chigaro chemukuru we ZERA, VaEdinton Mazambani, vati vanotengesa mafuta vanogona kutengesa nemutengo uri pasi pewatarwa nesangano ravo.
Kukwira kwemitemo yemafuta kuitika mushure mekunge bhanga guru renyika rabvisa mari yanga ichitsigirwa nehurumende kuitira kuti mafuta aya asakwire zvakananyanya.
Izvi zvinoreva kuti vanotenga mafuta vachange votsvaga mari yekunze kumabhanga kwete kumirira kuiwana kubhanga guru renyika.
Vachitaura neStudio7 VaThomas Pazvakavambwa vati kukwira kwemafuta kunoita kuti zvinhu zvese zvikwire munyika.
Asi mutori wenhau, Tawanda Karombo, audza Studio7 kuti vanhu vanga vajairira kutengeserwa zvakachipa nehurumende ichibhadhara. Karombo ati kunyange hazvo zvichirwadza, Zimbabwe ndeimwe yenyika dzine mafuta ane mutengo wepasi kana mari ikaiswa kumadhora ekuAmerica.
VaHappymore Maziba, avo vanotengesa mafuta, vaudza Studio7 kuti kukwira kwemitengo uku kunoitawo kuti vakwanise kutenga mafuta vega sezvo vasisapiwi mari nehurumende.
Kukwira kwemitengo yemafuta iyi kwakonzerawo kukwira kwemari dzekufambisa. Kuenda kumusha weChitungwiza, Kuwadzana nemimwe misha inogara vazhinji, kwave pamadhora mana kubva pamadhora maviri nemakumi mashanu emasendi iri mari yemaRTGS.
Mafuta ari kugara achinetsa kuwana munyika nepamusana pekushaikwa kwemari yekunze iyo inodiwa kutenga mafuta kunze kwenyika.
Facebook Forum