Mhuri yekwaMasendeke inoti haisi kufara nemabatirwo ari kuitwa mutumbi wemwanakomana wavo uyo akapfurwa akafa kuminda yemangoda kwaChiadzwa kwaMarange mundunhu reManicaland.
VaTerence Masendeke vakapfurwa nemagadhi anochengetedza minda yemangoda musi wa 15 Chivabvu vakabva vafira ipapo.
Mutauriri wemhuri yekwaMasendeke, VaRichard Masendeke, vanoti kubva zvapfurwa mwana wemukoma wavo, vanga vasati varatidzwa mutumbi wake, asi vakazokwanisa kuuona neChipiri mushure mekunge magweta ari kuvabatsira, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, apindira panyaya iyi.
VaRichard Masendeke vanoti pavakaona mutumbi wemwana wavo, vakarwadzikana zvikuru nokuti hausi kuchengetedzwa zvakanaka.
Vanoti mutumbi uyu wava kushata, uye wave kuburitsa mweya unonhuwa, chiratidzo chikuru chekuti pawakachengeterwa kuParirenyatwa Hospital, hapana magetsi akakwana.
VaMasendeke vanoti vari kuudzwa kuti hapana vana chiremba vane hunyanzvi hwekuvheneka mutumbi uyu kuitira kuti uendeswe kunovigwa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Pakapfurwa VaTerrence Masendeke, mapurisa ekuManicaland akati akange asina ruzivo nezvakanga zvaitika.
VaRichard Masendeke vanoti magweta avo asvitsa nyaya iyi kudare repamusoro kuitira kuti rikomekedze kuitwa kweongororo yemutumbi wemwanakomana wavo kuitira kuti uzoradzikwa kumusha kwake.
Izvi zvatsinhirwa neZimbabwe Lawyers for Human Rights.
Mufi akasiya mudzimai nemwana mudiki.
Facebook Forum