Accessibility links

Breaking News

Botswana Yowomesera Zvizvarwa ZveZimbabwe Panyaya Yemabasa


Mutungamiriri weBotswana VaMokgwetsi Masisi
Mutungamiriri weBotswana VaMokgwetsi Masisi

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvichitevera danho rakatorwa nenyika iri rekuti mabasa ose atange apihwa kuzvizvarwa zvemuBotswana. Izvi zvasiya vekunze vakawanda vasina mabasa.

Hurumende yeBotswana yakadzika mutemo uyu gore rakapera senzira yekuderedza huwandu hwevanhu vasingashande muBotswana apo vaimbowe gurukota rinoona nezvemukati menyika nembasa, VaEdwin Batshu, vakasunga mabhaudhi maererano nevashandi vanobva kune dzimwe nyika.

Vari kushanda nekugara muBotswana zviri pamutemo havasi kupihwa magwaro matsva panopera mvumo yekushanda muBotswana kuitira kuti zvizvarwa zvemuBotswana zvitore mabasa anga achiitwa nevekunze.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTaurai Hamandishe, havana mvumo yekugara muBotswana, asi vanorarama nekugadzira magetsi mudhorobha reFrancistown muBotswana.

VaThomas Masuka vane makore makumi mashanu, uye vanoita zvekusona. VaMasuka vanoti vanopota vachipihwa mabasa ekuita pano neapo, kuitira kuti vakwanise kurarama.

VaMasuka vanoti zvichitevera mutemo wakadzikwa gore rapera, zvinhu hazvisi kuvafambira zvakanaka.

Mumwe mugari, VaBlessing Gurungo, vanoti vakashanyira mahofisi anoona nekupa vanhu magwaro ekugara nekushanda muBotswana, vakadzingwa sembwa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muBotswana, VaMadanah Gutsa, vanoti vakaudzwa kuti vari kupihwa mvumo kekupedzisira gore rakapera. Mvumo yavakapihwa inopera gore rinouya.

Asi VaGutsa vanoti havasi kufara nekusapihwa mabasa nehurumende yeBotswana nemhaka yekuti havasi chizvarwa chenyika iyi.

Asi nyanzwi munyaya dzezvemabasa nevashandi, uye vachidzidzisa pa Botswana Open University, VaNkululeko Ndlovu, vanoti Botswana inogona kuzvisikira moto muziso nehurongwa hwayo sezvo hupfumi hwenyika iyi huchiri kusimukira, uye huchida nyanzvi dzinogona kunge dzisingawanikwe munyika iyi.

VaNdlovu vanokurudzira hurumende yeBotswana kuti iremekedze vashandi vanobva kune dzimwe nyika sezvo vachibatsira zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG