Pasi rose racherechedza zuva revapoteri, kana kuti World Refugees Day, paine kunyunyuta kuti dzihurumende hadzisi kushanda pamwe chete munyaya dzevapoteri kuitira kuti hupenyu hwevapoteri huve nyore.
Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matanhatu nemasere vari kugara muhupoteri munyika dzakasiyana siyana pasi rose mushure mekutiza nyika dzavo nepamusana pezvikonzero zvakasiyana siyana.
Sangano rinoona nezvevapoteri pasi rose, re United Nations High Commission for Refugees, rinoti mumasekonzi maviri ega ega, pane munhu anomakidzwa kubuda munyika make pasi rose achinotsvaga hupoteri.
Sangano iri rinotiwo vanhu ava havasi kubuda munyika dzavo nekuda kwavo, asi kuti vari kutiza nyika dzavo kuitira kuti varambe vari vapenyu.
United Nations inoti pasi rose rine kunetsana nekurwisana uko kuri kupa kuti zvizvarwa zvenyika dzinenge dziine dambudziko iri, dzipinde muhupoteri.
Mhuri dzakawanda dzekune dzimwe nyika dziri kugara muhupoteri mu South Africa, dzinoti hadzina kuita hurongwa hwekucherechedza zuva ranhasi, sezvo dzaswera dzichiita mabasa adzo semazuva ose, kunyange hazvo vamwe vakwanisa kupinda mumusangano waitirwa muDurban nehurumende yeSouth Africa.
Vazhinji vavo vanogara muJohannesburg vanoti havaone kukosha kwezuva iri, nekuda kwekuti South Africa haina kumbobvira yaona kukosha kwematambudziko avakatarisana nawo, mushure mekunge vapotera munyika iyi nekuda kwekusagadzikana kwezvinhu munyika dzavo.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoona nezvekugadzikana kwakanaka kwemhuri yeZimbabwe, re Community Alliance for Human Settlements, VaTawanda Mandevavana, vakurudzira masangano ose anoona nezvekodzero dzevanhu kuti ashande pamwe mukuedza kuona kuti kodzero dzevanhu vose vanoshupika, dziri kuremekedzwa.
VaFungai Chitunha vanoti havana kuona kodzera yekucherechedza zuva ranhasi nekuda kwekuti vari kurarama nehwakumukwaku muSouth Africa.
Asi Va Kudzai Nyagwande vanoti havawirirane nevose vanoti hurumende yeSouth Africa iri kukanganisa. VaNyagwande vanoti South Africa iri kuedza nepose painokwanisa kubatsira vapoteri vekune dzimwe nyika.
Chimwe chizvarwa chekuMasvingo chiri muhupoteri muSouth Africa,Va Frank Mucheka, vanoti kubva zvavakasvika muSouth Africa, hupenyu hwavo hwakagara hwakangooma nekuda kwekuti hurumende yeSouth Africa haina kumbobvira yaratidza chido chekuchengetedza vapoteri kubva mukubatwa kwavanoitwa nezvizvarwa zvenyika iyi.
Vachitaura nhasi pakucherechedza zuva ranhasi mudhorobha reDurban, gurukota rezvemukati meSouth Africa, Amai Fatima Chohan, vanoti nyika yavo yakapa vapoteri vanosvika mamiriyoni maviri magwaro ukugara munyika iyi.
Amai Chohane vatiwo hurumende yavo ichazenge ichipa vapoteri vose vane kodzero yekugara munyika mavo, zvitupa zvakafanana nezvinopiwa zvizvarwa zvenyika iyi.
South Africa ine vapoteri vanobva kunyika dzakaita seNigeria, Democratic Republic of Congo, Mozambique, Zimbabwe, Rwanda nedzimwe nyika, uye ndyo nyika yemuAfrica ine vapoteri vakawandisa.
Facebook Forum