Vanhu vakawanda vanobva kuZimbabwe vanogara nekushanda muSouth Africa, vanoti vanonzwa kurwadzikana zvikuru nekutadza kuenda kumusha kunovhota nepamusana pezvikonzero zvakasiyana siyana.
Mumwe akange anyoresa kuitira kuti azovhota, Amai Pennylope Kacheche, vanoti vakatadza kuenda kunovhota kumusha nezuro nepamusana pekuti vakange vasina mari.
Muzvare Melody Chivhunze vanobva kuChipinge, asi vachishanda nekugara muSouth Africa. Muzvare Chivhunze vanoti vakatya kuenda kunovhota sezvo vaifunga kuti sarudzo idzi dzichaita mhirizhonga.
VaSamson Matimba, avo vanobva kuChiweshe, vanotiwo vakange vakatarisira kuti bato reMDC T inotungamirirwa naVa Nelson Chamisa, richavabatsira nemari yekufambisa sekuvimbisa kwarakange ramboita. VaMatimba vanoti mari yavanowana ishoma zvikuru.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuMDC-T kuti seyi isina kuzadzisa zvayakanga yavimbisa nhengo dzayo.
Mumwe mugari wekuSouth Africa, VaRomeo Manunure, vanotiwo vakange vanyoresa kundovhota sezvo vaida zvikuru kusarudza mutungamiriri wavanoda, asi vanoti vakakundikana nekuda kwekuti havana kunge vapiwa mukana wekundovhota, kubva kubasa kwavo.
Vamwe vanoti vakakundikana kunovhota nepamusana pekuti havana magwaro ekufambisa.
VaShepard Madhuna vanoti havana kuda kupedza nguva yavo mukunyoresa kuvhota nekuda kwekuti hapana zvazvinosandura sezvo hurumende iripo yakagara yakakunda kare.
Mudzidzisi pachikoro chepamusoro che Tswane University of Technology, Va Rick Mukonza, vanoti vanhu vakawanda havana chivimbo nehurumende yeZanu PF chekuti ingaremekedze zvido zvevanhu.
Zvichabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvinofanirwa kuziviswa mukati memazuva mashanu kubva musi waitwa sarudzo.
Facebook Forum