Vanhu vakawanda vakuvara kunhandare yeRufaro meshure mekunge zviuru zvevanhu zvatsikirirana zvichimhanyira kundoona mutumbi wevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, munhandare yeRufaro.
Mutumbi waVaMugabe waendeswa kunhandare yeRufaro Stadium kuMbare uko vakatora mhiko yekutungamira nyika muna 1980.
Mutumbi wasvika munhandare uri muchikopokopo chemauto reZimbabwe National Army.
Mushure memunamato, mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, nevana vavo ndivo vatanga kuona mutumbi waVaMugabe.
Kwazotevera, vehukama, makurukota ehurumende nevanyarikana uye mushure meizvozvo munhu wese ange ari munhare apihwa mukana wekuona mutumbi.
Pakutanga vanhu vange vachifamba zvakanaka vari mumutsetse asi mushure mechinguva vanhu vazopinda vakawandaizvo zvakonzera kukuvara kwevanhu vakawanda.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa kuti vanhu vangani vakuvara.
Chirongwa ichi chambomiswa uye pazosheedzwa mapurisa anodzivirira nyonga nyonga kuzogadzirisa zvinhu izvo zvazoita kuti chirongwa ichi chienderere mberi.
Mumwe musikana wechidiki uyo ati anonzi MaTshuma audza Studio 7 mushure mekuona mutumbi waVaMugabe kuti arwadziwa zvikuru kuparadzana naVaMugabe.
Vaimbomirira Mbare mudare reNational Assembly, VaTendai Savanhu, vataurawo neStudio 7 mushure mekuona mutumbi waVaMugabe vachiti vadzimbikana zvikuru.
Dr Paul Chimedza, avo vakambomirira Gutu South muparamende, vaudza Studio7 kuti vafara zvikuru kuwana mukana wekuparadzana naVaMugabe vachiti vanotenda basa guru ravakaita mukusimudzira hupenyu hwavo.
Mutumbi waVaMugabe uchange uri kuRufaro Stadium zvekare mangwana kuti veruzhinji vawonekane navo.
Facebook Forum