Vanorwira kodzero dzevanorarama nechirwere cheshuga vacherechedza zuva re World Diabetes Day neMugovera muZimbabwe kunyange hazvo zuva iri rakacherechedzwa pasi rose nemusi weChina.
Musangano wanga wakarongwa nesangano re Blue Circle Voices Network rakabanatana nesangano re Zimbabwe Diabetes Association.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kusangano reZimbabwe Diabetes Association kuti tinzwe pamire sangano iri panyaya yechirwere cheshuga.
Asi imwe nhengo ye Blue Circle Voices Network mu Zimbabwe, Amai Heather Koga, vanoti musangano wafamba zvakanaka chose, uye vatora mukana uyu kucherechedza zuva reWorld Diabetes Day.
Amai Koga vanotiwo musangano wavo wapindwa nenyanzvi munyaya dzechirwere cheshuga, uye dzataura pamusoro pezvingaitwe nevanonetsekana nechirwere cheshuga ichi.
Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vanonetsekana nechirwere cheshuga husiri kunyatsozivikanwa sezvo pachine vanhu vakawanda vane chirwere ichi asi vasingazivi kuti vanacho, Amai Koga vanoti ongororo yakamboitwa inoratidza kuti zvikamu zvinosvika gumi kubva muzana zvevanmhu vemuZimbabwe vane chirwere cheshuga.
Amai Koga vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaongororwe kana vaine chirwere ichi kuitira kuti vapihwe rubatsiro rwunokodzera kana vainacho.
Facebook Forum