Nzara Yotekeshera muMwenezi East
Nhengo ye Mwenezi East muparamende, VaJosbee Omar vanoti munzvimbo yavo chete mombe dzinopfuura chiuru dzakafa nekushaiwa mafuro nemvura yekunwa pamwe nemadhongi akati kuti. VaOmar vakaenderera mberi vachiti vanhu vanopfuura zviuru gumi nerimwe vanoda rubetsero rwe chikafu mu nzvimbo yavo chete.
Facebook Forum