Hukama hweZimbabwe Teachers Association, Zimta, neZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, hasvika kwamvura yacheka makumbo zvichitevera chisungo chakabuda ne Zimta mwedzi wapera.
Mutungamiri we Zimta, Va Richard Gundani, vanoti Zimta yabuda muZCTU nekuti sangano revashandi iri rava kuita zvematongerwo enyika, izvo vati zvinopikisana nebumbiro ravo.
VaGundani vanoti hutungamiri hwesangano ravo hwakabuda nechisungo chekubuda muZCTU sezvo nhengo dzavo dzisiri kufara nedanho rakatorwa neZCTU rinotsigira rimwe remapato anopikisa.
VaGundani vanoti bumbiro ravo rinosungira nhengo dzavo kuti vadyidzane nehurumende inenge iripo nekuti nhengo dzavo vashandi vehurumende.
Asi VaGundani vanoti hukama hwavo nehurumende hunobata chete nyaya dzemihoro nemashandiro avo asi vasingapinde mune zvematongerwo enyika.
Zimta inoti ichasvitsa danho rayo kuZCTU, asi haisi kudzoka shure pachisungo chekubuda muZCTU, iyo vanoti yakabuda pachena kuti ndiyo mai verimwe bato rezvematongerwo enyika.
Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti havasati vanzwa nezvekubuda kweZimta musangano ravo.
VaMoyo vanoti kana Zimta iine zvichemo kana nyunyuto, ZCTU yakazvipira kugadzirisa zvose zvinenge zvisingafadzi nhengo dzayo.
ASi VaMoyo vanoti kana Zimta ichiti yageza maoko ayo pakuva nhengo yeZCTU, hapana zvavangaite kunze kwekutambira chido chenhengo dzeZimta.
Facebook Forum