Accessibility links

Breaking News

ZINASU Yochema Chema neMamiriro Akaita Dzidzo muNyika


Vadzidzi vezvikoro zvepamusoro pasi pesangano reZimbabwe National Students Union kana kuti ZINASU vanoti kuwondomoka kwehupfumi munyika kwave kuvhiringidza dzidzo yavo.

Vachitaura pamusangano wavaita muHarare nhasi mutauriri weZinasu VaTatenda Mundondo vati matambudziko evadzidzi ari kuramba achiwedzera sezvo vabereki vavo vazhinji vasiri kuwana chouviri uye mari dzavanopihwa nehurumende dzavanozobhadhara dzisiri kuwedzerwa.

VaMundondo vanoti zvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakaita seCatholic ne Africa University zvakakwidza mari yechikoro zvakanyanya. Vati Catholic University yakakwidza mari yechikoro kubva pamadhora mazana mapfumbamwe kusvika pachuru chimwe chinemazana mana.

VaMundondo vatiwo kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro hakuna pekugara zvopa kuti vadzidzi vanyenye kuomerwa nehupenyu.

Munyori mukuru weZINASU Va Ashlegh Pfunye vatiwo vari kushungurudzika zvakanyanya nekusungwa kwevatungamiriri vevadzidzi apo vanenge vachiratidzira nekunyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika.

VaPfunye vati kusungwa kwevadzidzi vekuLupane pamwe neGreat Zimbabwe University hakuvadzoreri shure vachiti vacharamba vachiratidzira kusvika matambudziko avari kusangana navo agadziriswa.

ZINASU yatiwo haisi kufara nemashoko egurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira ekuti vanoda kubvisa zvimwe zvidzidzo kumaunivhesiti zvavanoti hazvina basa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMurwira. Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepamusoro VaDaniel Molokela vanoti komiti yavo iri kutaura nehurumende kuti matambudziko akatarisana nevadzidzi agadziriswe.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG