Guta Masvingo rabatana nemamwe maguta mukubvisa vanhu vanotengesa mumigwagwa zvisiri pamutemo.
Izvi zvasiya vanhu vakawanda vasina mufaro.
Change chiri chipatapata muMasvingo mapurisa eZimbabwe Republic Police, pamwe neekanzuru yeguta iri, achitandanisa vanotengesa mumigwagwa.
Mumwe weavo vanotengesa mumigwagwa, VaEdward Manzanga, vati zviri kuitwa nemapurisa aya zvavasiya vari panguva yakaoma.
Vanotengesa mapepa nhau vambodzingwawo pavanotengesera vakazodzoswa mushure mekunge vakuru vavo vataura nevakuru vehurumende nekanzuru.
Mumwe wevanotengesa mapepanhau, VaNickson Kwirirai, vati vakatyamadzwa nekudzingwa kwavo mangwanani.
Vanotengesa mumigwagwa yemuHarare vaswera vachiitawo hwakiti nagonzo nemapurisa.
Muzvare Bridget Musasa, avo vachangopedza zvidzidzo kuUniversity, vati munyika hamuna mabasa, izvo zviri kupa kuti vatengese zvinhu mumigwagwa.
Mumwe anotengesa mumigwagwa muChinhoyi, VaCaleb Tsomondo, vatiwo kanzuru yeChinhoyi haina nzvimbo yekutengesera yakatarwa, nokudaro vacharamba vari mumigwagwa.
Makanzuru mazhinji anoti anga asina chirongwa ichi, asi kuti ari kutevedzera zvakataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakati makanzuru anofanirwa kubvisa vose vanotengesera mumigwagwa.
Izvi zvinotsigirwa naVaGodfrey Kurauone, kanzura weguta reMasvingo.
Vanotengesa mumigwagwa vanoti zvakataurwa naVaMugabe zvinoratidza kuti havana hany’a nekushupika kuri kuita veruzhinji.
Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana havana mabasa.
Facebook Forum