Accessibility links

Breaking News

ZITF Yotanga neChipiri Ichiti Vasina Kubayiwa Nhomba Kana Kuvhenekwa Covid-19 Havapinde


Harare Agricultural Show iri kutanga neChipiri sezvo vari kuda kuratidzira vange vasati vapedza kukwenenzvera kuti ivhyurwe nhasi sezvange zvichitarisirwa.

Vari kuronga zviratidzwa izvi vanoti pane makambani ekunze aratidza chido chekupinda muzviratidzwa zvegore rino.

Mukuru weZimbabwe Agricultural Society, Dr Andrew Matibiri, vanoti kunyange hazvo Harare Agricultural Show yakanangana nevarimi nemakambani emuno, pane makambani akawanda ekunze ari kunda kupinda muShow iyi.

Vati kusvika nhasi makambani ari kuratidzira ange atopfuura akapinda muShow gore rapfuura nezvikamu makumi matatu kubva muzana.

Vatiwo zviratidzwa zvegore rino ndezvemhando yepamusoro uye vanotarisira kuti panenge paine makwikwi akaoma pakati pevarimi zana vakakunda mumaShow akaitwa mumatunhu akasiyana siyana munyika.

Kunze kwezviratidzwa, Dr Matibiri vati pachaitwa misangano yakasiyana siyana pakati pevarimi, vemabhizimisi, vanoona nezvezvicherwa, hurumende nemaindasitiri kumucheto kweShow iyi ichapera musi wa1 Gumiguru.

Vatiwo vachange vachitevedza zvese zvinodiwa kudzivirira kupararira kweCovid-19 vachiti vanhu vakabaiwa nhomba kana kuti vakavhenekwa chete ndivo vachabvumidzwa kupinda muShow.

Vatiwo vebazi rezvehutano pamwe neRed Cross vachange vachibaya vanhu nhomba pachena muShow.

Show iyi ichavhurwa zviri pamutemo nemusi weChina asi hazvisati zvaziviswa kuti ndiyani achange ari munyarikani pachiitiko ichi.

Mune imwewo nyaya, musangano wekusarudza vachafanobata chigaro chameya weHarare wange uchifanirwa kuitwa nhasi watadza kuitwa mushure mekunge makanzura akawanda atadza kuuya kumusangano.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti vano tarisira kuti musangano uyu uchaitwa munguva pfupi inotevera.

Izvi zvatsinirwa nevakafanobata chinzvimbo chameya, VaSteward Mtizwa, avo vati pauya makanzura gumi nematanhu asi pachidiwa makanzura gumi nevanomwe kuti vakwanise kuita musangano.

VaMtizwa vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti ndivo vachasarudzwa kuti varambe vakabata chinzvimbo ichi zvichitevera kumiswa basa zvakare kwameya Jacob Mafume svondo rapfuura. VaMafume vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuori asi nyaya yavo yave nemwedzi gumi isati yatongwa nematare.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza Studio 7 kuti makakatamwa mubato reMDC ave kukanganisa mabasa ekanzuru muHarare.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMoyo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

VaMafume ndivo meya wechipiri kumiswa basa vachipomerwa mhosva yehuwori zvichitevera kumiswa basa kwaVaHerbert Gombe veMDC Alliance zvekare.

Nyaya yaVaGomba haisati yaperwo kumatare. Kunze kwaVaGomba naVaMafume vamwe vakuru vakuru mukanzuru yeHarare vanosanganisira mabharani mukuru, VaHosea Chisango vakamiswawo basa vachipomerwa mhosva izvi zvinonzi zvave kukanganisa kufambiwa kwebasa mukanzuru iyi.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG