Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveZINASU Zvobatana Kuve Sangano Rimwe Chete


Zvikwata zviviri zvesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union, kana kuti ZINSU, zvazivisa kuti zvava kushanda pamwe chete pamusangano waitwa muHarare neChipiri.

ZINASU yakange yatsemuka nepakati panyaya yokuti bumbiro idzva remitemo yenyika, ronyorwa sei.

Zvikawata zviviri zvezinasu zvakaita nhaurirano dzokubatana svondo rapfuura ndokubuda nechisungo chokushanda pamwe chete, uye hutungamiri hutsva hwakafanobata zvigaro.

Izvi zvaziviswa pamusangano waitwa ne Zinasu nevatori venhau mu Harare neChipiri.

Vakadomwa kufanova mutungamiri weZinasu, VaObert Masaraure, vanoti vakawona zvakakosha kuti hutungamiriri hubatanidze vadzidzi kubudikidza
nekushanda pamwe chete kwezvikwata zviviri zvanga zvichipikisana.

Vaimbova mutungamiri wechimwe chikwata cheZinasu, Va Joshua Chinyere, ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru.

Asi chashamisa ndechekuti mutungamiri wechimwe chikwata, Va Tafadzwa Twoboy Mugwadi, vange vasipo paziviswa chibvumirano chomushandira pamwe ichi.

Va Masaraure vati hapana kupokana kuripo naVa Mugwadi panyaya yokushandira pamwe.

Asi VaMugwadi vanoti chikwata chavo hachina kubatana nechikwata chavanga vachinetsana nacho.

Zinasu yakatsemuka nepakati panyaya yekuti sangano iri rotsigira here gwara riri kutorwa nehurumende pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo,
rekuti chirongwa ichi chitungamirwe neparamende.

Chikwata chaitungamiirwa naVaChinyere changa
chichitsigira zviri kuitwa nehurumende, asi chikwata chaVaMugwadi changa chichiti hachisi kutsigira izvi.

Vanoonawo nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reStudents Solidarity Trust, VaMasimba Nyamanhindi, avo vapindawo musangano wekuzivisa nezvekubatana kwesangano revadzidzi, vanoti semaonero avo, zvikwata zviviri izvi zvabatana, kunze kwevamwe vaviri vavati vasiri kutambira izvi.

Hutungamiri hutsva uhu hunonzi hwazivisawo kuti zvikwata zviviri izvi zvichamira kushandisa mahofisi azviri kushandisa pari zvino.

Chimwe chikwata change chichishandisa mahofisi ari pamahofisi eCrisis in Zimbabwe Coalition, kwotiwo chimwe chikwata chiri pamahofisi eNCA.

XS
SM
MD
LG