Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muHupoteri muSouth Africa Zvinoti Zvinhu Hazvina Kuzvimirira Zvakanaka


Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Apo pasi rose richange richipemberera zuva revapoteri, mangwana, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muhupoteri muSouth Africa zvinoti hapana chekupemberera sezvo muSouth Africa muine nhamo dzamowo.

Zvimwe zvarwa zveZimbabwe zvinoti South Africa haisi kuremekedza zvibvumirano zvayakanyorerana nemasangano akaita seUnited Nations pakuremekedza kodzero dzevapoteri.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Migrant Support Network, VaShelton Chiyangwa, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo zuva revapoteri rakakosha, vari muhupoteri muSouth Africa vari kubatwa neseri kweruoko.

VaChiyangwa vati mhuri yeZimbabwe inogara muSouth Africa ndiyo irikunyanyawo shungurudzwa.

Vaendererawo mberi vachiti sangano ravo rinoshanda nezvizvarwa zvemuZimbabwe nedzimwe nyika kuvabatsira kuwana magwaro ekufambisa

Mutevedzeri wasachigaro musangano reZimbabwe Exemption Permits, Muzvare Gladys Mangwende, vanoti sangano ravo rinofarira hurongwe hwekucherechedza vapoteri asi vano shungurudzika nekusatevedzwa kwekodzero dzavo.

Sachigaro we sangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zuva revapoteri rinokosha munyika yeSouth Africa sezvo mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muhupoteri.

VaMavhinga vaenderera mberi nekukurudzira hurumende yeSouth Africa kuti irerutse mitemo kunyanya munyaya dzemabatirwo evanobva kunze kwenyika.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaGeorge Manyika, vatsigirawo mashoko aVaMavhinga.

VaGabriel Shumba, mukuru wesangano reZimbabwe Exiles Forum vakurudzira masangano akaita seUN, AU, neSADC kuti avheneke zvakadzama kubatwa kunoitwa vapoteri nenyika yeSA, kunyanya zvizvarwa zveZimbabwe.

VaShumba vapawo chikumbiro kugurukota remuSouth Africa, rinoona nezvemukati menyika, VaAron Motseledi kuti varerutse mitemo yemubazi ravo kuitira kuti vapoteri vasatambure mukuwana magwaro.

Vakurudzira masangano anorwira kodzero dzavanhu kuti vashande nesangano ravo mukurwira kodzero dzavapoteri vose vanobva kunze kwenyika.

Mumwe ari muhupoteri VaFrancis Mukono vati havaone kukosha kwezuva revapoteri sezvo zvinhu zvakavaomera muSouth Africa.

Mumwe ari muhopoteri VaSteven Chiweshe vatiwo havachazive pfumo rovobaya.

Mukuru anoona nezvevapoteri mubazi rinoona nezvemukati menyika muSouth Africa VaMandela Madumise, vanoti bazi ravo, rakakumbira rubatsiro kusangano re United Nations Human Rights Council kuti ribatsiro kugadzirisa matambudziko avari kutarisana nawo mubazi ravo.

VaMadumise vati mukupera kwemwedzi unotevera, bazi ravo richange rave kuziva kuti chii chinosungirwa kuitwa mukugadzirisa matambudziko aya.

Kune zvizvarwa zveZimbabwe, zvinofungidzirwa kuti zvinosvika kana kupfuura mamirioni matatu zvakapotera muSouth Africa zvichipomera hurumende mhosva yekuzvishungurudzwa.

Asi hurumende yeZimbabwe inoti vamwe vakaenda muhupoteri vachida havo kunotsvaga mafuro manyoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG