Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoyaura neNzara KuSouth Africa


Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa

Nyika yeSouth Africa, nhasi yapinda muchikamu chechitatu kubva muzvikamu zvishanu zvayakadzika kubva musi wa27 Kurume gore rino, ichiedza kudzivirira kupararira kwechirwercheCovid-19, icho chatekeshera pasi rose.

Nhasi munzvimbo zhinji dzemuSouth Africa nhasi change chiri chipatapata sezvo mamwe makambani ane chitsama ainge avharwa atanga kushanda.

Vamwe ndivo vafumira kuenda kuzvitoro zvinotengesa doro izvo zvatanga kutengesa doro nhasi zvapa kuti pazvitoro zvakadai muJohannesburg pave nemitsetse yakareba zvikuru.

Asi kunyange hazvo vanhu vazhinji vange vachipemberera kuve muchikamu chechitatu ichi, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvikuru zvinoshanda munzvimbo dzekudyira hazvina mufaro sezvo zvisati zvave kubvumidzwa kudzokera kumabasa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaIshmael Mbodza vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka zvekuti vave kutofunga kudzokera havo kumusha.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Doctor Eddie Mahembe, vanoti kusavhurwa kwenzvimbo idzi kuchave dambudziko guru kuzvizvarwa zveZimbabawe zvakawanda.

Doctor Mahembe vanoti kunyangwe mamwe makambani avhura izvi hazvirevi kuti dambudziko recovid19 rapera asi vakati rinokonzerawo kusagadzikana kwezvehupfumi vanhu vakaramba vari mudzimba.

Asi Dr Mahembe vanoti pane nzira shoma dzingatorwa nemhuri yeZimbabwe iri muSouth Africa, iyo isati yave nemabasa, kuti iwane raramo dzakaita sekutanga mamwewo makambani.

Vanoti imwewo nzira inogona kutorwa mukuyamura mhuri iyi, ndeye kuti vashande mumabasa ezvekurima.

Vati kurudziro yekuti vamwe vagare mudzimba ichakonzerawo kutambudzika kukuru kumhuri yeZimbabwe yakawanda inogara muSouth Africa.

Dr Chipo Mkonza, imwewo nyanzvi munyaya dezvehupfumi, vanoti mashoko akataurwa negurukota rezvehupfumi muSouth Africa, VaTito Mboweni pamusoro peavo vachapiwa mabasa kana chirwere cheCovidz19 chapera, anopa kusagadzikana kukuru kwenyika.

Vatiwo kusavhurwa kwemiganhu nenyika yeSouth Africa, kuchakanganisawo mararamiro evanhu vanorarama nekutenga vachitengesarana sezvo vasisakwanise kupinda kana kubuda munyika kuzoita mabasa aya.

South Africa, ine vanhu vanosvika mazana matanhatu nemakumi masere ane vatatu, kana kuti 683 vafa nechirwere ichi. Vabatwa nechirwere ichi vanodarika zviuru makumi matatu nemaviri ane mazana matanhatu nemakumi masere nevatatu kana kuti 32 683.

Asi pavanhu ava, hazvisati zvazivikanwa kuti pane vanhu vangani vekuZimbabwe vafa kana kubatwa nechirwere ichi.

Nyaya Ina Mobi Munjoma
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG