Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 02, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi China, Kurume 02, 2017

Vana chiremba navana mukoti vanoenderera mberi nekuramwa mabasa, izvo zviri kusiya varwere vari panguva yakaoma.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoenda kuSingapore kunorapwa vakawanda vachiti VaMugabe havana hany’a nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara.

Kanzuru yeMutare inotemera vagari chibage chavo change chave nemuchekechera.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Junior, vanoshanyira zvirongwa zvekusimudzira madzimai nevanasikana zviri kutsigirwa nemuzinda wavo.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable paLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvakatarisana nemadzimai mumwedzi uno wekurangarira madzimai pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.