Mashoko atiri kutambira anoti Mutongi wedare repamusoro reHigh Court Amai Priscilla Chigumba ndivo vachadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vatore chigaro chekuva sachigaro weZimbabwe Electoral Commission. Chigaro ichi chakasiiwa naAmai Rita Makarau.
Amai Chigumba vanonzi vaida kumbodzingwa basa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori.
Bepanhau reSunday Mail rakati vainge vakumbira mari yechiokomuhomwe inosvika madhora zviuru makumi maviri kubva kuna VaJohn Kanokanga avo vakaramba vachibva vabatwa nemhosva.
VaKanokanga vakadzingwa muchivakwa chavaishandira muHarare mushure mekunzi vainge vatadza kubhadhara mutero.
Amai Chigumba vakaramba nyaya iyi vachiti pfungwa dzaVaKanokanga dzainge dzisinganyatsotore mushe. Asi VaKanokanga vanoti kusabatwa zvakanaka kwavakaitwa naAmai Chigumba ndiko kwakapa kuti vatange kuvhiringidzika pfungwa.
Asi nyaya iyehuori yi yakabuda mushure mekunge Amai Chigumba vabvumidza mapato anopikisa kuratidzira muHarare muna 2016 zvinonzi nevamwe hazvina kufadza VaMugabe.
Bazi reJudiciary Services Commission rakambozivisa kuti rainge rovaferefeta.
Dzidzo neNhoroondo yeBasa
Justice Chigumba vakadzidza past Ignatius High School vakazoenda kuBritain kunoita zvidzidzo zvemitemo kana kuti Bachelor of Law Degree. Vakashanda kukambani inonzi Gallop and Blank Law Firm muna 1994.
Vakashanda segweta kwemakore matanhatu vasati vaenda kunoshanyira kambani yePG Industries.
Vakazovamba kambani yavo vasati vaenda kunoshanda kubazi rezvemitemo muna 2004. Vakamboita majastiriti vasati avaenda kunoshanda kuhofisi yemutongi mukuru wematare. Vakatora mhiko kuvamutongi wedare reHigh Court muna 2012.