Madzimai ePasi Rose Otarisirwa kuSangana muDubai kuMusangano wezveMabhizimusi Uri kuKokerwa neGungano reRed Lipstick Revolution

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zim Women Do Dubai

Mutungamiri wegungano remadzimai, reRed Lipstick Revolution, Mufundisi Abigail Mangwenzi, vanoti vari kuronga musangano mukuru wemadzimai svondo rinouya unonzi "Zim Women Do Dubai" uchange uriko svondo rinouya muDubai.

Vanoti musangano uyu uchabatanidza madzimai anobva pasi rose.

Mufundisi Mangwenzi vanoti pachange pane vanyarikani vanosanganisira gurukoto rezvemadzimai nemabhizimusi madiki, Amai Sthembiso Nyoni nevamwe vari mumabhizimusi, avo vachange vachitaura pamusangano uyu.

Musangano wemadzimai uyu uchaunganidza madzimai vanobva mumapoka nemabasa akasiyana, anosanganisira emawoko, emigodhi, ekurima nekutengeserana .

Madzima achapinda musangano uyu achange achipihwa mukana wekutsvaga mamwe madzimai ekushanda nawo anobva pasi rose kusanganisira nemakare muDubai.

"Tino shuwira kuti madzimai vachawana mukana wekuzeya pamusoro pekuita mabhizimusi epamusoro uye vachiwana vekushanda navo pasi rose. Zvakakosha kuti misangano yakadayi iwanikwe ichiitika gore rega-rega kuitira kuti madzimai akwanise kuwana hunyanzvi hwepamusorosoro," Mufundisi Mangwenzi vanodaro vachitaura neStudio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Pastor Abigirl Mangwenzi