FIFA Inonzi Yasumwa nezveKusungwa kwaVaFelton Kamambo

  • Michael Kariati

FIFA logo

Remangwana renhabvu yemunyika harina kunyatsojeka sezvo kunonoka kupa mhinduro kweFIFA pane kukakavadzana kuri kuitika pakati peZIFA neSports and Recreation Commission kuri kuenderera mberi.

Nyanzvi munyaya dzezvemitambo dzinoti makakatanwa munyaya dzenhabvu muZimbabwe akapa kuti mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo vachiri kucherechedzwa neZIFA asi vakamiswa basa neSRC vachimiswa pamberi pedare nezuro ndokuzopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vamwe vataura neStudio 7 vari kudivi raVaKamambo vaudza Studio 7 kuti FIFA yakatopirwa nyaya yekusungwa kwavo iyi uye iri kutarisirwa kutora matanho.

Mitemo yeFIFA haitenderi kuti masangano akaita seSRC ari pasi pebazi rehurumende rezvemitambo apindire munyaya dzemutambo wenhabvu.

Kupindira kwemasangano akadai nevamwe vari munyaya dzezvematongerwo enyika kwakapa kuti nyika dzakaita seKuwait, Nigeria, Pakistan neChad dzimbomiswa kuva nhengo dzeFIFA.

Zimbabwe ikatemerwa zvirango zvinoreva kuti zvikwata zvenyika zvose kusanganisira zvemadzimai, uye zviri muPSL zvisatenderwe kuenda kunokwikwidza nezvikwata zvekune dzimwe nyika.

VaKamambo vakasungwa paHarare International Airport neMugovera nemubati wehomwe musangano reZIFA VaPhilemon Machana. Mutongi wedare VaStenford Mambanje vakapa mutongo wekuti VaKamambo nebhodhi ravanotungamira vasave nechekuita neZifa kana kushanya kumahofisi eZifa kusvikira nyaya yavo yapera mudare.

VaKamambo avo vari kumiririrwa naVaAdmire Rubaya vakabvisiswa mari yechibatiso inoita iyo zviuru zana zvemadhora emari yemuZimbabwe uyezve vakanzi vanofanira kupa dare magwaro avo ekufambisa kana kuti passport.

Pamusoro pezvo, VaKamambo avo varikutongwa pamwechete naVaMachana, VaStanley Chapeta, VaBrighton Malandule naVaJoseph Mamutse, vakanzi vanofaira kunyoresa kumapurisa kuve kwavo munyika kamwechete pasvondo rega-rega.

Vashanu ava varikupomerwa mhosva yekuita basa reZifa nekunyora matsamba vachishandisa zita reZifa ivo vakadzingwa basa neSports and Recreation Commission.

VaMambanje vakatara kuti bhodhi reZifa iri rinofanira kudzoka kudare musi wa 31 Kurume apo pachaenderera mberi mudare mhosva yavari kutongwa nezvayo.

SRC ndiyo yakaman’ara nyaya iyi kumapurisa neChishanu svondo rapera. Mapurisa akataurira dare kuti pane vafakazi gumi nevashanu vavachataura navo nezvemhosva iri kupomerwa VaKamambo nevamwe vavo iyi.

Vafakazi ava inhengo dzekanzuru yeZifa pamwe nevashandi vaviri
vesangano iri VaXolisani Gwesela navaWellington Mpandare avo
vakanyorerwa tsamba dzekudzingwa basa nebhodhi raVaKamambo iri.

VaChapeta vakasungwa vari kumba kwavo kuKwekwe asi VaMamutsena VaMalandule vakauya kudare vachibva kudzimba dzavo sezvo vaive vasiri muhusungwa.

Sezvo vakabva kumba kuuya kudare VaMamutse naVaMalandule havana kubvisiswa mari yechibatiso asi varikubatwa nezvisungo zvimwechete nevamwe vese kusvikira nyaya iyi yapera.

Bhodhi raVaKamambo rakamiswa basa neSRC musi wa 16 Mbudzi asi ririkupikisa kudzingwa uku.

Fifa iyo inotungamira nhabvu pasi rese yakaudza SRC kuti idzore bhodhiraVaKamambo pabasa kana kuti ichatora matanho makukutu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati