Zvinhu Zvoramba Zvakaita Manyama Amire Nerongo muZvikoro

Vana vechikoro kuChitungwiza, Zimbabwe, (Columbus Mavhunga/VOA)

Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo muzvikoro varairidzi vachipika kuti havazi kuzodzokera kubasa kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa, kunyange hazvo komisheni inopinza basa vashandi vehurumende, yePublic Service Commission, yatanga kunyoresa vanhu vakapedza zvidzidzo zvehurairidzi kuti ivapinze basa svondo rinouya apo ichadzinga varairidzi vese vari kuramwa mabasa.

Kunyange hazvo dare repamusoro neChitatu rakapa mutongo wekuti kumiswa basa kwevarairidzi hakusi pamutemo, Public Service Commission yave kuronga kudzinga varairidzi ava basa.

Muchiziviso chavo mushure memutongo uyu, munyori wekomisheni iyi, Ambassador Andrew Wutawunashe, vakati varairidzi vese vanenge vasina kudzokera kubasa panosvika musi wa22 mwedzi uno vanofanira kubva pazvikoro nekuti basa ravo rinenge rapera.

Asi varairidzi vaenderera mberi nekuramwa mabasa uye vati havasi kubvuma kutyitsidzirwa vachiti Public Service Commission iri kutyora mutemo wayo.

Mutungamiriri wesangano yeAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) iro rakaendesa hurumende kudare mushure mekumisa varairidzi basa, VaObert Masaraure, vati havasi kuteerera mashoko ePublic Service Commission uye vati vari kudzokera kumatare kana ikaramba yakaomesa musoro nenyaya iyi.

Mutungamiriri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zviri pachane kuti PSC iri kutotyora mutemo wayo uye vanoti varairidzi havafaniri kuteerera zvinhu zvisiri pamutemo.

Vanoti murairidzi anozoonekwa sekuti anenge asiya basa ndeuya anenge apedza mazuva makumi matatu akatevedzana asingaende kubasa uye asingazivikanwe kuti ari kupi.

Dr Zhou vati hazvibatsiri kuti PSC irambe ichityora mutemo wayo vachiti chakakosha kuteerera zvichemo zvevashandi nekutaurirana navo.

Zvichakadai, munyori mukuru wesangano rinomirira vakuru vezvikoro reZimbabwe National Union of Schools Heads, VaMunyaradzi Majoni, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro uye nhengo zhinji dzesangano ravo hadzisi kuenda kubasa.

Vatiwo pane nhengo dzesangano ravo makumi maviri dzakatambira matsamba ekumiswa basa uye vange vakamirira kunzwa kubva kumagweta avo kuti nyaya iyi ichafamba sei zvichitevera mutongo wedare repamusoro wanezuro.

Ukuwo, PSC nhasi yatanga kunyoresa vanhu vakapedza zvidzidzo zvehurairidzi avo inoti vachapinda basa kutanga musi wa22 mwedzi uno apo inenge yadzinga varairidzi vari kuramwa mabasa.

Asi varairidzi vati havasi kuvhunduka nedanho iri vachiti munyika magara muine varairidzi vashoma.

Munyori mukuru musangano remubatanidzwa wemmwe masangano anomirira varairidzi reFederation of Educators Union of Zimbabwe, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 kuti izvi zvinorerutsa basa revadzidzisi avo vakeremerwa pari zvino.

Vanoda kupinda basa rehurairidzi vange vachinyoresa kumahosifi evakuru vezvikoro munzvimbo dzavo kana kuti maDistrict School Inspector uye ongororo yataita yaratidza kuti kune vanhu vashomanana vanyoresa nhasi.

Ongororo yataita mumahofisi emaDSI kuGlen View, Highfields nemamwe yaratidza kuti vanhu vange vasingadarike makumi matatu vanyoresa pamahofisi ega ega.

Hatina kukwanisa kubata munyori wePSC, VaWutawunashe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutauriri mubazi redzidzo yepasi, VaTaungan Ndoro, vange vasatiwo vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Zimbabwe ine varairidzi zviuru zana nemakumi mana nezvishanu (145 000) uye inoda vamwe varairidzi zviuru makumi mashanu nezvishanu (55 000) kuti zvikoro zvese zvinodarika zviuru zvipfumbamwe munyika zvive nevarairidzi vakakwana.

Varairidzi vanoti vanoda muhoro wemazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica pamwedzi kuti vararame zvakanaka.

Asi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza mamwe masangano evashandi svondo rino kuti hurumende haikwanisi kubhadhara mari dzakadai.