Human Rights NGO Forum Yoshushikana neMhirizhonga yeZvematongerwo eNyika Pamberi peSarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Mukuru weHuman Rights NGO Forum, VaMusa Kika. (Columbus Mavhunga/VOA)

Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum nezuro rakaburitsa gwaro riri kushoropodza zvakasimba mhirizhonga yezvematongerwo enyika, yarinoti iri kuitika munyika kubva mwedzi waera uye kubva pakaparurwa bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change mwedzi wapera.

Sangano iri rinoti kubva paziviswa mazuva esarudzo dzema by-election nemutungamiri wenyika musi wa 6 Ndira gore rino, sangano iri raona nyaya dzemhirizhonga ine chekuita nesarudzo dzinosvika zana negumi nembiri dzakarongwa nevezvematongerwo enyika pamwe nekushungurudzwa uye kusungwa zvisina tsarukano nemapurisa kwevanopikisa.

Human Rights NGO Forum inoti zvikamu makumi masere kubva muzana zvenyaya idzi zvakaparwa nemapurisa, zvimwe zvose zvakaparwa nenhengo dzeZanu PF pamwe nemauto eZimbabwe National Army.

Mukuru weHuman Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika vanoti zvimwe zvichaitwa nesangano ravo kuita musangano nevemapato ezvematongerwo enyika unokurudzira kuti vatsvage rutsigiro murunyararo.

Asi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti havakatyamadzwe nemashoko ari kubva kumasangano akazvimirira, ayo vanoti anoshanda nebato reCCC uye kuti anopikisa hurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Musa Kika

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi