Chimwe chizvarwa chekuAmerica, VaRonald Leon Johnson, nhasi chabhadhariswa faindi yezviuru makumi mashanu zvemaRTGS mushure mekubatwa nemhosva yekpinda mudenge chiine pfuti chisina mvumo.
Pamhosva yekutanga yekupinda mundenge nepfuti vasina mvumo, VaJohnson vanzi vabhadhare zviuru makumi matatu zvemaRTGS kana kugara mujeri kwemazuva makumi mapfumbamwe kana vakatadza kubhadhara mari iyi.
Vapihwawo mutongo wemakore maviri uyo wasendekwa parutivi, asi vakanzi vachapika mwedzi iyi kana vakapara mhosva yakaita seiyi mukati memakore mashunu anotevera.
Pamhosva yechipiri yekuwanikwa vaine pfuti isina mwagaro, VaJohnson vanzi vabhadhare faindi yezviuru makumi maviri zvemaRTGS kana kugara mujeri kwemazuva makumi mapfumbamwe kana vakatadza kubhadhara mari iyi.
Vapihwawo mutongo wegore pamhosva iyi uyo wasendekwa parutivi kwemakore mashanu.
Gweta raVaJohnson, Thomas Nyakunika, vaudza Studio 7 kuti vafara kuti VaJohnson vave kudzokera kumusha kwavo mushure mekubhadhara faindi.
Mutongi wedare, VaStanford Mambanje, vapawo mutongo wekuti pfuti yaVaJohnson nemabara makumi mana nemashanu avakawanikwa navo zvitorwe nenyika.
Vachipa mutongo wavo, VaMambanje vati kunyange hazvo VaJohnson vakatyora mutemo, muchuchusi akatadza kupa uombowo hwekuti VaJohnson vaida kushandisa pfuti iyi kupara mhosva kana kuita zvehutororo.
Vatiwo kukanda VaJohnson mujeri kwaizoita kuti vave nepfungwa dzakapia pamusoro peZimbabwe sezvo vakasungwa vave nemazuva akawanda vari munyika uye vatoshanyira nzvimbo dzakwanda dzakaita seNyanga neGreat Zimbabwe.
Vati kunyange hazvo muchuchusi aida kuti VaJohnson vapihwe mutongo wakaoma, dare raona zvakakodzera kuvapa mutongo wakareruka mushure mekutambira zvichemo zvavo zvekuti munhu akapara mhosva kekutanga, ane mhuri uye aizorasikirwa nebasa dai akandwa mujeri.
VaJohnson avo vakapinda mumnyika musi wa5 mweddzi uno vakasungwa panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport vachienda kuVictoria Falls nemusi wechipiri svondo rapfuura.
Mune imweo nyaya, mutungamiriri webato reFront for Economic Emancipation in Zimbabwe VaGodfrey Tsenengamu vange vari mudare nhasi vachida kunzwa kuti nyaya yavo yavakasungirwa vachipomerwa mhosva yekurudzira veruzhinji kuratidzira musi 31 Chikunguru ichatongwa rini. VaTsenengamu vanoti vaneta nekuuya kudare vasingapihwe zuva richatongwa nyaya yavo.
Tichiri kune zvange zvichitika kumatare, dare nhasi ranzwa chikumbiro chenhengo gumi nenhatu dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change chekuti dzitongwe dzichibva kumba
. Nhengo dzakusungwa nemusi wechishanu chapfuura apo dzaikoka veruzhinji kuti vaende kumusangano webato ravo wakaitirwa kuHigfiles nemusi wesvondo. Nhengo idzi dziri kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga. Nhasi dare raramba chikumbiro chavo chekuti mhosva iyi iraswe sezvo magweta avo achiti hapana nyaya.
Dare rati nyaya iripo uye vanofanira kutongwa. Kutaura kudai dare riri kunzwa chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba here kana kuti kwete.
Your browser doesn’t support HTML5