America Yoshora Kusarurwa Kunonzi Kwoitwa Vamwe Vapoteri paMiganhu yeUkraine

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zvizvarwa zvekuAfrica, India nedzimwe nyika zviri pamuganhu weUkraine nePoland

Bazi rinoona nezvekudyidzana nezdimwe nyika rinoti rave kushanda nemapazi eunited Nations anoona nezvevapoteri kuti vaferefete nyaya yekuti pana husaruraganda hwave kuitwa nedzimwe nyika pavanhu vari kuda kubuda muUkraine vachienda kunopotera.

Izvi zvino tevera mashoka ari kunyorwa pamwe madandemutande ekuti vanhu vatema zvikuru zvizvarwa zvekuAfrica hazvisi kupihwa mukana wekuenda muhupoteri zvichinzi zvinobatsirwa kwekupedzisira. America yakurudzira Ukraine uye nyika dzakaipoteredza kuti dzipe vari kuda kuenda muhupoteri mukana wakaenzana.

Mumwe mudzidzi ange achidzidza muUkraine Muzvare Prudence Chinemo vanoti vakwanisa kusvika muPoland. Muzvare Chinemo vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pabhodha rePoland sezvo pari kubvumidza vakwegura, vacheche nevanasikana chete kuti vapinde.

Vanoti vamwe vadzidzi vechikomana vavange vanavo havana kubvumidzwa kupinda muPoland uye vachiri kudivi reUkraine. Hatina kukwanisa kunzwa divi remuzinda weZimbabwe uri kubatsira vadzidzi ava sezvo vange vasiri kudaira nhare dzavo.

Mumwe ari kubatsira madzidzi ava vari kutiza Ukraine ava, Muzvare Faith Chemari vari muGermany vanoti zvekufambisa kubva kuUkraine ndizvo zviri kunetsa sezvo vatyairi vemabhazi vazhinji vasiri kuenda kumabasa vachityira hupenyu hwavo.

Asi vati havo zvimwe zviazvarwa zbeZimbabwe zvine chitsama zvakwanisa kuenda kuPoland nekuRomania uye zvave kubatsirwa nemuzinda weZimbabwe wekuGermany parizvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvare Faith Chemari