Dare rePamusoro Soro Rozeya Kuvandudzwa Kwakaitwa Bumbiro reMitemo Kuti Mutongi Mukuru Arambe Ari paBasa

Luke Malaba, Zimbabwe’s chief justice, says that all cases brought before the country's courts will be treated fairly. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dare repamusorosoro, reConstitutional Court, nhasi razivisa kuti richapa mutongo waro panguva yarisana kutara panyaya yakakwidzwa kudare iri nemumiriri weDzivaresekwa, VaEdwin Mushoriwa, VaBrian Crozier neVeritas yekuti Constitutional Amendment No.2 Act ibviswe sezvo yakapaswa zviri kunze kwemutemo.

Vatongi vedare iri avo vange vachitungamirirwa nemutevedzedzeri wevatongi munyika, Justice Elizabeth Gwaunza, vati vachatura mutongo wavo pazuva ravasina kupa. Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muVeritas, VaLizwe Jamela, vaudza Studio 7 kuti vakamirira mutongo wedare nemaziso matsvuku.

Gweta raVaMushoriwa, VaCrozier neVeritas, VaTendai Biti vaudza dare kuti mutemo uyu unofanira kuraswa nekuti paramende yakatyora bumbiro remutemo apo yakapas bhiri iri.

VaBiti vati bhiri rakapasiswa neparamende rakasiyana neiro rakaburitswa mugwaro rehurumende, reGovernment Gazettee rakaendeswa kune veruzhinji.

Vati pane zvimwe zvikamu, zvainge zviri siri mubhiriri rekutanga zvakawedzerwa muparamende pane chimwe chikamu cheCommittee Stage.

Semuenzaniso vati zvimwe zvange zvisiri mubhiri rekutanga, inyaya yekuti, mukuru wevatongi, mutevedzeri wake pamwe nevatongi veConstitutional neSupreme Court vanogona kuwedzera mamwe makore mashanu pabasa kana vasvika panguva yekuenda pamudyandigere.

VaBiti vati izvi zviri kunze kwemutemo vachiti chikamu 328 chebumbiro remutemo chinosungira kuti chose chinoda kuvandudzwa pamutemo chinofanira kuburitswa muGovernment Gazzettee uye veruzhinji vanofanira kupihwa mukana wekupa pfungwa dzavo.

Vatiwoo mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mangagwa, vakatyorawo mutenmo nekusaini bhiri iri vasina kuona kuti bumbiro rakatevedzwa here pakupasa bhiri iyi.

Asi gweta reparamende, Advocate Tawanda Zhuwarara, vati hapana chakakanganiswa neparamende vachiti mitemo yeparemende yeStanding Rules and Orders inocherechedzwa nebumbiro uye paramende inobvumidzwa kushandura mabhiri.

Gweta remutungamiriri wenyika, Advocate Thembinkosi Magwaliba vatiwo mutungamiriri wenyika haana chaakatadza pakusaina bhiri.

Kupaswa kweConstitutional Amendment Number 2 Act gore rapfuura kwamutsa mutauro munyika mushure mekunge mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangwagwa vashandisa mutemo uyu kuwedzera makore pabasa emukuru wevatongi VaLuke Malaba mushure mekusvitsa makore ekuti vaende pamudyandigere.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzie Kadzere vaudza Studio 7 kuti dare rikatambira chikumbiro chevatatu ava zvinoreva kuti VaMalaba vanenge vave kuenda pamudyandigere.

Kunze kwenyaya nyaya yaVaMushoriwa, VaCrozier neVeritas pane mamwewo masangano akaita seLaw Society of Zimbabwe neZimrights sari kupikisa mutemo uyu muConstitutional Court.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya