Komisheni inoona nezvesarudzo nhasi yaudza paramende nhasi kuti iri kushushikana nemhirizhonga yezvematongerwe enyika iri kuitika pamberi pesarudzo dzemaby-elections achaitwa mwedzi uno asi inoti haina zvainokwanisa kuita ichiti vanhu vanofanira kumhan’ra vanoita mhirizhonga iyi kumapurisa kana kukomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu avo vanesimba rekuranga vanoita mhirizhonga.
Sachigaro weZEC, Justice Priscilla Chigumba, vaudza nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemutemo kuti komisheni yavo inoshora zvikuru mhirizhonga iri kuitika munyika iyo vanoti yakakonzera kufa kwaVaMboneni Ncube pamusangano webato reCitizens Coalition for Change kuKwekwe svondo rapfuura.
Vati vano mshushikana kuti mhirizhonga inoramba ichiitika kunyange hazvo mapato ose ari kupinda musarudzo idzi akaita chitsidzo chekuti hachaiita zvemhirizhonga pamusangano uchangobva mukuitwa nekomisheni iyi weMulti-Party Liaison.
Amai Chigumba vati pamusangano uyu vakakurudzira mapato ese kuti atevedza chisungo chekuita sarudzo dzakachena chePolitical Parties Code of Conduct icho vakasaina apo vainyoresa kupinda musarudzo idzi.
Vaenderera mberi vachiti komisheni yavo inoda kuti nyika iite sarudzo murunyararo.
Vati ZEC haina simba panyaya dzemhirizhonga uye kana pachinge paiita mhirizhonga vanhu vanofanira kumhanyira kumapurisa kwete kuZEC.
Amai Chigumba vatiwo zvingave zvakanaka kana ZEC ikapihwa masimba ekunyoresa mapato ezvematongerwo enyika sezvinoitika kune dzimwe nyika vachiti izvi zvinozoita kuti ikwanise kuranga mapato anoita zvemhirizhonga.
Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vaudza Studio 7 kuti vanoda kuti mutemo wesarudzo munyika uvandudzwe kuti ZEC ipihwe simba rekuruma vanotyora kodzero dzevanhu nguva yesarudzo.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemutemo, VaMisheck Mataranyika vanoti havasi kufara nemhirizhonga yezvematongerwo enyika uye komiti yavo ichakoka gurukota rezvemukati menyika pamwe nemapurisa kuti vazotsangura kuti chii chavarikuita kudzivirira mhirizhonga.
Mhirizhonga yawedzera kubvira patarwa mazuva esarudzo dzemaby-election uye bato reCCC ndiro rinoti rine nhengo dzakawanda dziri kushungurudzwa nebato reZanu PF ukuwo Zanu PF ichiti bato CCC ndiro riri kukonzera mhirizhonga.
Zvichakadai ZEC yati sarudzo dzemaby-election dziri kufamba zvakanaka uye kusvika pari zvino pane vanhu mazana matatu nemakumi mana nevaviri vemuno vanyoresa kuti vaongorore sarudzo idzi nevavanhu gumi vekunze kwenyika.
Zimbabwe irikuita sarudzo demaby-election musi wa26 mwedzi uno kutsiva nhengho dzeparamende nemakanzura akadzingwa basa kana kufa.
Mune imwewi nyaya, vanhu vana vaive nepfuti nematemo nezuro pakati pehusiku vakapinda kumba kunogara Amai Vevakafanobata chigaro chemutevedzeri webato reCCC VaTendai Biti vakarova zvakaipisisa mushandi anochengetedza pamba apa.
VaBiti vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa asi kusvika pari zvino mapurisa haasati auuya kuzonzwa kuti zvakafamba sei. Vatiwo mushandi anochengetedza pamba pavo uru ari kurapwa pane chimwe chipatara chemuHarare.
Your browser doesn’t support HTML5