Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaChamisa, Vanove paKuvigwa kwaVaMboneni Ncube kuVungu

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa (Courtesy Image)

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanga vari pakuvigwa kwenhengo yebato ravo, VaMboneni Ncube, mumusha wekwa Sibomvo, kuVungu mudunhu re Midlands.

Vachitaura parufu urwu, VaChamisa vanhu vanofanirwa kuziva kuti zvematongerwo enyika mutambo, asi mutambo uyu haufanirwe kutora hupenyu hwevanhu. Vatiwo zvakafirwa naVaMboneni Ncube zvekuti dai munyika manaka, zvichaitika chete, munyika muchanaka chete.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti VaChamisa vatsanangudza VaNcube sechizvarwa cheZimbabwe chakakosha chairwira shanduko munyika.

VaNcube vakaurayiwa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF dzakakanganisa musangano webato reCCC wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa mwedzi uno, apo VaChamisa vakanga vave kutaura.

Vamwe vanhu vakakuwadzawo muchiitiko ichi. Vanhu vashanu vakatomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuuraya VaNcube.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Nkululeko Sibanda