Mushure Mekushorwa neKupesvedzera Mhirizhonga, VaChiwenga Voyimba Rwiyo Rwerunyararo

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF uye wenyika VaCostantino Chiwenga nhasi vakumbira vagari vekwaMutare kuti vavhotere nhengo dzebato iri kuitira kugadzirisa maguta emunyika ayo vanoti akanganiswa nehutungamiriri hwemapato anopikisa eCitizens Coalition for Change, CCC. VaChiwenga vakurudzira kuti pave nerunyararo panguva yesarudzo.

VaChiwenga vachitaura kumazana nemazana evatsigiri vavo nhasi vati zvakakosha kuvhotera bato ravo reZanu PF nenhengo dzeparamende uye makanzura ebato iri kuitira kutiz viri kukanganiswa nemakanzura aripo zvikwanisie kugadziriswa.

Vaenderera mberi vachiti hurumende yeZanu PF iri kuita mabasa akawanda sekugadzirisa migwagwa, kuwanira vanhu zvekudya panguva ino apo nyika yakatarisana nenzara sezvo mvura isina kunaya.

VaChiwenga avo vakamboshorwa zvikuru munyika nekunze mushure mekufanidza Tripple C nenda inoda kutswanywa nhasi vakurudzira runyararo munyika munguva yesarudzo.

Mutauriri weCCC mudunhu reManicaland VaDavid Panganai vanoti havatenderane nemashoko aVaChiwenga.

Musangano wanhasi wanga uri wekutsvaga rutsigiro kunhengo dzeZanu PF dzinoti VaIsau Fungai Mupfumi (Chikanga Dangamvura), VaMisheck Mugadza (Mutasa South) avo vachakwikwidzana nevamwe vanoti VaProsper Chapfiwa Mutseyami (Chikanga Dangamvura), VaHosiah Chipanga Patriotic Party, VaTaurayi Mandipurwa veMDC Alliance, naVaAnesu Zaranyika veTruth Zimbabwe Party.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Sydney Saize