Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, Voyambira Kuti Russia Inogona Kukanganisa Makombiyuta eMakambani emuAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden vakayambira neMuvhuro manheru kuti Russia inogona kukanganisa mashandiro emakombiyuta emakambani emuAmerica, kanawo kushandisa zvombo zvine muchetura muUkraine, apo pave kusvika mwedzi kubva Russia yapinda muUkraine zvechisimba.

VaBiden vakaudza chikwata chavanamuzvinabhizimusi vemuAmerica kuti mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin vakanga vasingatarisire kubatana kwepasi rose kuripo mukushoropodza danho renyika yavo rekurwisa nekuda kupamba Ukraine, vachiti pari zvino VaPutin vave parumananzombe.

Ukuwo, mutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy vataura neChipiri parunhare naPope Francis vachiti vakasununguka kana Vatican yakayananisa gakava riripo mukupedza hondo yakakonzerwa nekupinda kweRussia munyika yavo nechisimba.

VaBiden vari kutarisirwawo svondo rino kusimuka vakananga kuBrussels, kuBelgium, kumisangano mitatu yakakosha iri pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muUkraine.

Misangano iyi iriko nemusi weChina apo VaBiden vari kutarisirwa kupinda mumisangano yeNATO, G-7 pamwe neEuropean Council, iyo yakanangana nekutsvaga nzira dzekumisa nadzo kurwisa kweRussia muUkraine.

VaBiden vanotarisirwa kuzoendawo kuPoland mushure memisangano iyi.

Nyanzvi munyaya dzekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa paDevry University iri mudunhu reOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti rwendo rwaVaBiden kuBrussels rwunoratidza kuti hondo yeRussia neUkraine yasvika kumakata zvekuti yave kutoda mitekwatekwa yakaita savanaVaBiden nevamwe vatungamiri venyika dzemu Europe dzakasimba kuti vaise misoro pamwechete.

Muzvinafundo Masocha vanoti vanotarisira kuti misangano iyi ichaburitsa chimuko kuburikidza nekuwedzera zvombo kuUkraine, vachiti zviripo pari zvino zvinoratidza kuti VaPutin vave kuremerwa nehondo iyi sezvo vave kushandisa zvombo zvepamusorosoro zve hypersonic kuratidza kuti vave kupererwa nezvombo.

Vanoti hazvishamise kunzwa VaPutin vave kubvuma kutaurirana sezviri kukurudzirwa nemutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Elliot Masocha