Vakuru vakati chara chimwe hachipwanyi inda. Izvi ndizvo zvakaonekwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakaumba sangano rekurovana masoro nekupana mazano mune zvemabhizimusi, reAfrican Diaspora Empowerment International, ADEI, iro riri kubatanidza zvizvarwa zvenyika dzemuAfrica zviri kunze kwenyika kuti zvishande pamwe.
Mumwe wevakavamba sangano reADEI uye vari CEO vesangano iri, Doctor Susan Sundai Charowedza Muzorewa, PhD, avo vari mudunhu rePennsylvania muno muAmerica, vanoti sangano ravo riri kubatsira zvikuru nekupa mukana wekuti vanhu vasangane vachipana mazano muzvinhu zvakasiyanasiyana zvine chekuita nezvemabhizimusi kana kuzvisimudzira munzvimbo dzavagere, pamwe nekunyika dzavanobva.
Vanoti kusvika pari zvino sangano ravo, iro rakaparurwa gore rapera, rabatsira vanhu vakawanda chose vanobva kunyika dzakasiyanasiyana, kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe, vachiti vanodaira kuti munzvimbo dzakasiyanasiyana dzine zvizvarwa zveAfrica mune mikana yakawanda chose yekuti zviunganidze hupfumi hwekuzosiirawo vana vavo.
Doctor Muzorewa vanoti munhu wese anokwanisa kuve nhengo yeADEI, kusanganisira vana vechikoro vanobva kuAfrica vari kunze kwenyika.
Vanoti vanosangana kaviri pamwedzi vachishandisa dandemutande, musi weChitatu chesvondo yepiri neChitatu chesvondo yechina.
Vanoda kunzwa nekudzidza zvizhinji pamusoro pesangano reAfrican Diaspora Empowerment International vanogona kuenda padandemutande ravo rinoti https://www.adei.online
Your browser doesn’t support HTML5