Russia Yotyora Chivimbiso Chayo Chekumbomira Kurwisa Mamwe Maguta emuUkraine

Dzimba dzaparadzwa neRussia pedyo neguta re Kyiv muUkraine

Russia yazivisa nhasi kuti kusvika parizvino hapasati paita chibvumirano chekumisa hondo yairi kurwisa Ukraine. Nhaurirano dzekuyedza kuunza runyararo muUkraine dziri kuitirwa muTurkey.

Ukraine inonzi yakauya nezvinhu zvainoda kuti zvigadziriswe pakatanga nhaurirano idzi nezuro zvinosanganisira kuti ukraine isarerekere divi pakudyidzana neRussia neNATO. Kuyangwe Ukraine yange Ichida kupinda mugungano reNATO, Russia yange ichiti izvi zvinokonzera kusagadzikana munyika mayo.

Vakuru muhurumende yeUkraine vanotiwo Russia iri kuenderera mberi nekurwisa guta guru renyika iyi reKyiv uye reChernihiv kunyangwe nezuro pakatanga nhaurirano yakati yainge yotanga kubvisa mauto ayo mumaguta aya.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wehurumende yeUkraine Amai Iryana Vereshchuk vanoti vawirirana kuvhura nzira dzekuti vanoda kuenda muhupoteri vakwanise kuita izvi pasina kurwiswa. United Nations inoti vanhu mamiriyoni mana vatiza muUkraine vachienda muhupoteri kune dzimwe nyika.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Gadziro Gwekwerere vanoti Russia yaisafanira kutanga hondo iyi nekugti yave kukonzeresa kusagadzikana pasi rose munyaya dzezvehupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Gadziro Gwekwerere