Vaive Vashandi vepaRan Mine kuBindura Voputsirwa Dzimba

  • Blessing Zulu

Vaive vashandi vepaRan Mine pedyo neBindura vanonzi vari kuputsirwa dzimba nekudzingwa pamugodhi wegoridhe uyu zvasiya vakawanda vasina pekugara.

Mugodhi uyu waimbocherwa kare nekambani yeGNP Industries yekuGermany kusvika muna 1999 ndokuzombocherwa neExdrill Mining pasati pauyazve kambani yeAurora Gold.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vepakambani yeAurora nezvekudzingwa kwevanhu ava asi mumwe ataura asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau ati vakapihwa mvumo nedare repamusoro rekudzinga vanhu ava.

Kanzura Ian Makone veWard 2 kuBindura vati vari kuyedza kubatsira vammwe vashandi vakadzingwa basa ava uye havana kupihwa mari yemudyandigere kunyangwe vakashanda makore akawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaIan Makone