Bazi reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization (UNESCO) ranyorerana chibvumirano nehurumende pamwe nemasangano kodzero dzemadzimai nevakaremara chekushanda pamwe chete mukudzivirira mhirizhonga ine chekuita nekuti uri mukadzi.
UNESCO yanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete anoti Women’s Coalition of Zimbabwe, National Association of Societies for the Care of the Handicapped (NASCOH) ne Federation of Organizations of Disabled People in Zimbabwe.
Masangano aya anoti akafunga zvekushanda pamwechete mushure mekuona kuti madzimai nevanasikana vanorarama nehurema, vari kusaririra muzvirongwa zvekurwisa mhirizhonga iyi.
Vachitaura mushure mekunyorerana chibvumirano ichi, mukuru weWomen’s Coalition of Zimbabwe, Amai Sally Dura, vati vasarudza kuita mukomberanwa kuti vakwanise kuderedza kushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana vakaremara pamwe nekuona kuti kodzero dzavo dzaremekedzwa.
Vakafanobata chigaro chemukuru we NASCOH, VaHenry Masaya, vatiwo munzvimbo dzavari kushandira, vari kuona kuti chidimbu chemadzimai nevanasikana vakaremara vari kusangana nemhirizhonga iyi.
Vachitaurawo pakunyoreranwa kwechibvumirano ichi, mukuru anoona nezvevakaremara mubazi re Public Service, Labour and Social Welfare, Amai Christine Peta, vati hurumende iri kukoshesa zvakanyanya kurwisa mhirizhonga ine chekuita nekuti uri munhukadzi kana munhurume.
Vati kubatana kwemasangano aya mukurwisa mhirizhonga, chinhu chakakosha zvikuru uye chavanotsigira.
Mugwaro rayo, UNESCO inoti yakaona zvakakosha kubatsiridza masangano anorwira kodzero dzemadzimai pamwe nemasangano anotungamirwa neavo vakaremara.
UNESCO inoti panga pasina kushandidzana pakati pemasanngano aya panyaya yemhirizhonga dzakadai mukuona kuti kodzero dzevanhu ava dzaremekedzwa.
Masangano anotungamirirwa nevakaremara vachirwira kodzero dzevakaremara, audza vatori venhau kuti kushungurudzwa kwevakaremara uku idambudziko guru munyika, uye vagere kumaruwa, ndivo vakatarisana zvakanyanya nedambudziko iri.
Chibvumirano ichi chemakore mashanu chanzi idanho rekutanga mukubatana kweUNESCO nemasangano aya huye achagara pasi oongorora zvinoda kuitwa mukusimudzira kodzero dzemadzimai nevanasikana vakaremara pamwe nekurwisa mhirizhonga ine chekuita nekuti uri munhukadzi kana munhurume.