Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanopa Madzishe, Vechidiki neMadzimai ekuBinga Zvikepe Zvekubatisa Hove

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vanonzi vakapa zvikepe zvekuredzesa hove gumi nezvinomwe (17) kumadzishe ekuBinga, zvina (4) kumadzishe ekuKariba, zvishanu kumasangano mashanu evechidiki pamwe nezvimwe zvishanu kumasangano mashanu emadzimai.

Izvi zvinotevera vimbiso yakaitwa nemutungamiri wenyika kuvagari vekuBinga mwedzi wapera yekuti vachavapa zvikepe zvekushandisa mukubata hove senzira yekuti vazvisimudzire uye kuvandudza hupenyu hwavo.

Zvikepe izvi zvinonzi zvakagadzirwa makare muBinga.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rakazivisa nezvehurongwa uhu, richitiwo chirongwa chemutungamiri wenyika chekuchera zvibhorani chiri kushandawo zvakare muBinga sehurongwa hwehurumende hwekurerutsa dambudziko remvura mudunhu iri.

Vachitaura pamabiko ekupa zvikepe, VaMnangagwa vanonzi vakati hurumende yavo ichavaka mahofisi ekwamudzviti muBinga senzira yekurerutsira vagari vaitirwe nyore pakutora zvitupa nemagwaro ekuzvarwa.

Vanonzi vakatiwo vane hurongwa hwekuti magetsi ari kugaiwa kubva mugwenya remagetsi ezuva reSolgas nemamwe magwenya mudunhu iri aende muzvikoro nemakirinika zvemuBinga.

Studio 7 haina kuwanisa kubata mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, kanawo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

Asi mumiriri weBinga muparamende achangobva kusarudzwa ari webato reCitizens’ Coalition for Change, VaPrince Dubeko Sibanda, avo vanoti havana kukokwa kuchiitiko ichi, vanoti makorokoto kumadzishe ekuBinga akapiwa zvikepe sezvo madzishe aya achingotamburawo semamwe madzishe emunyika yose.

Panyaya yekuti mabasa ebudiriro ave kuitwa nehurumende mudunhu mavo angadai akanangana here nesarudzo dza2023, VaSibanda vanoti zvinoshamisa kuti hurumende yave kuita chipatapata iye zvino asi yakarega dunhu ravo richisarira shure kwemakore makumi mana nemaviri adarika kubva nyika yawana kuzvitonga.

Vanoti kunyange hurumende yakaita zvirongwa zvakadii muBinga, vanoramba vachingokunda chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPrince Dubeko Sibanda