Mutungamiriri webato rinopikisa muSouth Africa, reEconomic Freedom Fighters, VaJulius Malema, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinofanira kudzokera kumusha kunovhota kuti zvibvise hurumende yeZanu PF pachigaro asi vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vanoti chinodiwa kuti vana veZimbabwe vabvumirwe kuvhota vari kunyika dzavanogara kusanganisira South Africa.
VaMalema vakataura mashoko aya nezuro kumhomho yevatsigiri vebato ravo muPretoria pamhemberero dzekuwana rusunguko kweSouth Africa dzeFreedom Day.
Vakakurudzira mamiriyoni ezvizvarwa zveZimbabwe zvino fungidzrwa kuti zvinogara munyika iyi kuti zviende kumusha kuno vhotera shanduko.
VaMalema vakashora mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti vakatadza kuita zvavakavimbisa apo vakatora matomu muna 2017.
Asi mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti vano bvumirana naVaVaMalema kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kuvhota asi kuti zvinofanira kuvhota zviri chero kunyika ipi zvayo.
Izvi zvatsigirwa naDoctor Wellington Gadzikwa avo vano dzidzisa paAfrica University vati chikuru chinodiwa kuti mutemo uvandudzwe kuti vanhu ava vabvumidzwe kuvhota vari kunze kwenyika sezvinoitwa pasarudzi dzenyika zhinji pasi rese.
Doctor Gadzikwa vatiwo panoda kuvandudzwa mutemo nemafambisirwe esarudzo muZimbabwe vachiti kana zvinhu zvikaramba sezvazviri kuvhota hakuna zvakuno shandura.
Kunyange hazvo VaMalema vakati zvizvarwa zveZimbabwe zvinogona kudzokera kuSouth Africa zvavhota. Asi VaMadhuku vati nyaya yekushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvekunze kwenyika muSouth Africa inogona kutadzisa vakawanda kudzokera kunyika iyi.
Vakasafanobata chinzvimbo chemutevedzeri wasachigaro mubato reCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala, vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti VaMnangagwa vanofanira kubviswa pachigaro uye vakurudzira vana veZimbabwe vari kuSouth Africa vaterere mashoko aVaMalema ekuti vadzoke kuzovhota.
Mutauriri webato riri kutonga reZanu PF, VaChris Mutsvangwa, varamba kupa pfungwa dzebato ravo pamashoko aVaMalema.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurugota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, vange vasiri kudaira nhare mbozha nyayo.
VaMalema vakatsigira VaMnangagwa pakavapinda panyanga muna2017 asi hukama hwavo nebato reZanu PF hwave kupota huchidziya nekutonhora dzimwe nguva.
Zimbabwe iri kuita sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende nemakanzuru gore rinoouya uye VaMalema vanoti vanhu ngavavhotere shanduko.
Zvichakadaro, komisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) nhasi yati yati vanhu vakwanda vave kuenda kunonyoresa kuvhota pasi pechirongwa chayo chechipiri chekupinda munzvimbo dzinogara vakawanda ichinyoresa vanhu kuvhota.
Mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo chirongwa ichi chichipera nemussi wemugovera hazvifanira kushaisa vanhu mufaro nekuti vanokwanisa kuramba vachinyoresa kuvhota kumahofisi ekomisheni iyi.
VaMangwana vati vanhu vanokwanisa kuramba vachinonyoresa kuvhota kumahofisi avo makumi makumi manomwe nematatu ari mmumatunhu ese munyika.
Kusvika musi wa18 mwedzi uno pane vanhu zviuru makumi matatu nezvitanhatu vainge vanyoresa pasi pechirongwa ichi chakatanga musi wa11 mwedzi uno.
Vanhu zviuru makumi masere vakanyoresa kuvhota nyika yese pasi pechirongwa chekutanga cheZEC kana kuti Blitz asi vanhu vakawanda vanotarisirwa kunyoresa pasi pechirongwa chinpera nemugovera sezvo chiri kuita apo paine chirongwa chekupa vanhu zvitupa munzvimbo dzinogarar vazhinje neveCivil Registry Department.
Nyaya yekushaya zvitupa ndeimwe inotadzisa vakawanda kunyoresa kuvhota.
Asi VaMangwana vatiwo imwe nyaya inoita kuti vakawanda vasanyoresa kuvhota inyaya yemanyepo anotaurwa nemamwe mapato kuti ZEC inobira sarudzo.
Vanhu havamakidzwe kuvhota muZimbabwe uye VaMangwana vati ndizvo zvinoita kuti vamwe vanokwanisa kuvhota varegedze.
Asi vatiwo chinofadza pachirongwa chavari kuita mazuvano inyaya yekuti pane vamwe vanhu vanemakore makumi masere vakanyoresa kuvhota.
VaMangwana vati vachizivisa huwandu hwevanhu vanenge vanyoresa kuvhota pasi pechirongwa ichi kana chapera nemusi weMugovera.
Your browser doesn’t support HTML5