Vakuru vehurumende yeUkraine vari kuyambira vagari vemunyika iyi kuti kurwisana nemauto eRussia kunogona kuwedzera mukupera kwesvondo kuno, apo Russia yatarisana nemhemberero dzezuva rekukunda reVictory Day neMuvhuro, apo inenge ichicherechedza makore makumi manomwe nemanomwe ekukunda kweSoviet ichikunda Nazi Germany.
Zororo iri rinopembererwa muRussia yose mauto achifora.
Sangano renhau reReuters rinoti mutungamiri weRussia VaVladmir Putin vachatumira mashoko ekuzivisa nezvehondo huru yekuparadza kunyika dzekumawirira nemusi wa 09 Chivabvu.
Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia neChishanu akati Russia yakanga isina hurongwa hwekushandisa zvombo zve Nuclear muUkraine.
Vakuru vanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika muhurumende ye Ukraine vakatiwo neChishanu zuva reVictory Day rinogona kureva kuwedzerwa kwekurwiswa kwedzimwenzvimbo dzeUkraine.
Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia neChishanu akati Russia yakanga isina hurongwa hwekushandisa zvombo zve nuclear mu Ukraine.
Vakuru vanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika muhurumende ye Ukraine vakatiwo neChishanu zuva reVictory Day rinogona kureva kuwedzerwa kwekurwiswa kwedzimwenzvimbo dzeUkraine.