Vechidiki kubva kumapato ezvamatongerwo enyika anosanganisira Zanu PF Citizens Coalition for Change neMDC-T vasangana nhasi muHarare vachigadzira hwaro hwekuti sarudzo dzegore rinouya dziitwe murunyararo. Pamusangano wanhasi uyo warongwa nesangano re4 H Zimbabwe, vechidiki vati havachada kushandiswa kuita mhirizhonga.
Pamboita kukandirana makobvu nematete pakati penhengo dzeZanu PF neCCC patanga musangano uyu asi zvinhu zvazogadzikana musangano ukapera zvakanaka.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wevechidiki kana kuti Youth Assembly mubato reCCC VaStephen Chuma vati kugara vanhu vachitaurirana kunopa kuti mhirizhonga iderere.
Vechidiki kubva kumapato ese vapinda mumusangano uyu vashora mhirizhonga vachiti yasvika nguva yekuti vasiyane nenyaya yekushandiswa kurwisana dzimwe nguva vachideura ropa.
Imwe nhengo yeZanu PF mudunhu reHarare, VaLameck Chimanyiwa, vati vafara chose nemusangano wanhasi uye vati tariro yavo ndeyekuti misangano yakadai irambe ichiitwa.
Vachitaurawo vakamirira bato ravo reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, mumiriri weGlen View South muNational Assembly , VaVincent Tsvangirai, vati vechidiki havachadi zvemhirizhonga uye vanofanira kuramba vachisangana vachipanana mazano uyewo vavewo kuda zvinzvimbo zvehutungamiriri.
Mutauriri weZimbabwe Electoral Commission, VaJasper Mangwana vange vari pamusangano uyu vatiwo vanhu vakawanda havana chido chekuvhota munyika nekuda kwekuti mapato ezvematongerwo enyika anogaronyora manyepo pamadandemutande kuti ZEC inobira sarudzo.
Vati komisheni yavo inotevedzera mutemo uye vanenge vaine zvichemo vanofanira kutaura neZEC kana kuenda kumatare anoona nezvesaqrudzo kana kuti Electoral Court.
Asi VaTsvangirai vati havabvumirane naVaMangwana vachiti ZEC inofanira kuita basa rayo zvakajeka kuti vanhu vavimbe nayo.
Vati nyaya yakaitika kuChegutu yekuti VaGift Konjana veMDC Alliance vakakunda musarudzo dza2018 asi ZEC ikati VaDexter Nduna veZamu-PF ndivo vakakunda ndiyo imwe yenyaya dzinoita kuti vanhu vashaye hanya nekuvhota.
Mukuru wesangano re4H Zimbabwe iro raronga musangano wanhasi, VaJohn Muchenge, vatiwo kunyange hazvo pamboita kupopotedzana zvinhu zvazofamba zvakanaka.
Sangano re4H Zimbabwe rinouya nezvirongwa zvaro kuzowedzera basa ririkuitwa nemamwe masangano mukurudzira runyararo nekubata munyika akaita seHeal Zimbabwe Trust pamwe neNational Peace and Reconciliation Commission.
Mhirizhonga inowanda nguva dzesarudzo uye echidiki ndivo vanonzi vanowanika kakawanda vachiita kana kushandiswa pamhirizhonga iyi. Pamberi pesarudzo dzemaby-elections muKurume, nhengo yeCCC mushakabvu Mboneni Ncube vakapondwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF. Nyaya iyi ichiri kumatare edzimhosva.
Your browser doesn’t support HTML5