Chizvarwa chekuZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, Vanosarudzwa Kuve Meya weChitema Wekutanga weCorby Town kuBritain

  • Jonga Kandemiiri

Corby Deputy Mayor Tafadzwa Chikoto

Chizvarwa chekuZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, avo vanga vanove kanzura wedhorobha reCorby Town kuBritain, vakasarudzwa kuve meya wechitema wekutanga wedhorobha ravo reCorby Town.

VaChikoto vakasarudzwa kuve kanzura wedhorobha iri muna Chivabvu wegore rapera, vakazosarudzwa zvakare kuve mutevedzeri wameya wekanzuru yedhorobha iri muna Chikunguru wegore rimwechetero.

VaChikoto, avo vanove nhengo yebato reLabour Party, vanoti kusarudzwa kwavo pachigaro chepamusorosoro chameya ichi chinhu chinofadza zvikuru chinoratidza kuti kunyange munhu usiri chizvarwa cheBritain une mukana wekusarudzwa kuenda pachigaro chipi nechipi pasina kutarisa kunobva munhu kana ganda rake.

Vanoti vanotenda zvikuru Musiki pamwe nevagari vemuCorby Town uye vana veZimbabwe nevekune dzimwe nyika vari muguta iri avo vari kuramba vachivatsigira mukusimukira kwavari kuita mubasa rekanzuru iri.

VaChikoto vakaberekerwa kuUzumba mudunhu reMashonaland East vakazoenda kuBritain, vanoti vagara makore gumi nemanomwe vari muCorby Town.

Vanokurudzirawo vese vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vagarisane nekushanda pamwe chete nevavagere navo kana vachida kubudirira mune zvose zvavanenge vachiita.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Chikoto